Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vatesaronika 2:10-12

1 Vatesaronika 2:10-12 SCLB

Imi, pamwechete naMwari, munotova zvapupu zvokuti maitiro edu kwamuri vatendi, takanga tiri vatsvene zvakadii, takarurama zvakadii tisina chatingapomerwe zvakadii. Imi munoziva kuti ini, sababa ana vana vake, ndakakukurudzirai mumwe nomumwe wenyu ndichikunyaradzai nokukukurudzirai kuti mugare upenyu hunokodzerana naMwari anokudaidzirai kuti mupinde muumambo hwake nomumbiri yake.