Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 21:1-15

1 Samueri 21:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Dhavhidhi akaenda kuNobhi, kuna Ahimereki muprista. Ahimereki akadedera paakasangana naye, akati, “Seiko uri woga? Sei pasina wawauya naye?” Dhavhidhi akapindura Ahimereki muprista akati, “Mambo akandirayira rimwe shoko akati kwandiri, ‘Hapana anofanira kuziva kana chinhu pamusoro pezvawafambira uye zvawarayirwa.’ Asi kana vari vanhu vangu, ndakavataurira kuti vasangane neni pane imwe nzvimbo. Pari zvino chiiko chamunacho pano? Ndipeiwo zvingwa zvishanu, kana chipi zvacho chamungawana.” Asi muprista akapindura Dhavhidhi akati, “Handina chingwa zvachowo pano; asi pano pane chingwa chakatsaurwa, ndokunge vanhu vakazvichengeta kubva kuvakadzi.” Dhavhidhi akati, “Zvirokwazvo vakadzi vanga vakaparadzaniswa nesu, sapanguva dzose kana ndofamba rwendo. Midziyo yavo mitsvene kunyange dai rwanga rwuri rwendo rusati rwuri rutsvene. Ko, kutoti hazvo iye nhasi!” Saka muprista akamupa chingwa chakatsaurwa, sezvo pakanga pasina chingwa kunze kwechingwa choKuratidza chakanga chabviswa pamberi paJehovha uye chikatsiviwa nechingwa chinopisa musi iwoyo wachakabviswa. Zvino mumwe wavaranda vaSauro akanga aripo pazuva iro, amiswa pamberi paJehovha; akanga ari Dhoegi muEdhomu, mufudzi mukuru waSauro. Dhavhidhi akabvunza Ahimereki akati, “Hamuna pfumo kana munondo pano here? Handina kuuya nomunondo wangu kana chimwe chombo zvacho, nokuti basa ramambo ranga riri rokukurumidza.” Muprista akapindura akati, “Munondo waGoriati muFiristia, uya wawakauraya muMupata weEra, uri pano; wakaputirwa mumucheka seri kweefodhi; kana uchiuda, tora hako; hapana munondo pano kunze kwaiwoyo.” Dhavhidhi akati, “Hakuna mumwe wakafanana nawo; ndipei iwoyo.” Musi iwoyo Dhavhidhi akatiza Sauro akaenda kuna Akishi mambo weGati. Asi varanda vaAkishi vakati kwaari, “Ko, uyu haazi Dhavhidhi mambo wenyika here? Ko, haazi iye wavanoimba nezvake vachifamba, vachiti: “ ‘Sauro akauraya zviuru zvamazana ake, uye Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana ake’?” Dhavhidhi akaisa mashoko aya mumwoyo make uye akatya Akishi mambo weGati zvikuru. Saka akazviita benzi pamberi pavo; uye paakanga ari mumaoko avo akazviita somunhu anopenga, achikwara-kwara pamakonhi esuo uye achirega mate achisiririkira pandebvu dzake. Akishi akati kuvaranda vake, “Tarisai munhu uyu! Ibenzi iri! Mauyirei naye kwandiri? Ndashaya mapenzi zvakambodiniko zvamabva mandivigira munhu uyu kuti arambe achiita izvozvi pamberi pangu? Murume uyu angafanira kupinda mumba mangu here?”

1 Samueri 21:1-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Dhavhidhi akasvika Nobhi kuna Ahimereki mupristi; Ahimereki akasangana naDhavhidhi achidedera; akati kwaari, “Uri woga neiko, usino mumwe newe?” Dhavhidhi akati kuna Ahimereki mupristi, “Mambo wakandiraira basa, akati kwandiri, ‘Ngakurege kuva nomunhu unoziva chinhu chebasa randinokutuma naro, nerandinokuraira.’ Majaya ndakaaraira kusangana neni pane imwe nzvimbo. Naizvozvo zvino, muneiko pano? Ndipei zvingwa zvishanu muruoko rwangu, kunyange zvipi nezvipi zviripo.” Mupristi akapindura Dhavhidhi, akati, “Hapana chingwa chinosidyiwa muruoko rwangu, asi chingwa chitsvene ndicho chiripo; kwoga kana majaya akazvidzora kuvakadzi.” Dhavhidhi akapindura mupristi, akati kwaari, “Zvirokwazvo, vakadzi vakadziviswa kwatiri sapanguva dzose kana ndichifamba rwendo; nhumbi dzamajaya dzakanga dziri tsvene, kunyange rwaiva rwendo rwamazuva ose harwo, ndoda nhasi nhumbi dzavo dzichava tsvene.” Naizvozvo mupristi akamupa chingwa chitsvene, nokuti kwakanga kusina chingwapo, asi chingwa chokuratidza, chakanga chabviswa pamberi paJehovha, kuti chingwa chinopisa chiiswepo pazuva rokubviswa kwacho. Zvino mumwe muranda waSauro wakanga aripo nomusi iwoyo, anonoswa pamberi paJehovha, wainzi Dhoegi, muEdhomu, mutariri wavafudzi vaSauro. Dhavhidhi akati kuna Ahimereki, “Hapana pfumo kana munondo kwamuri here? Nokuti handina kuuya nomunondo wangu, kana nhumbi dzangu dzokurwa nadzo, nokuti basa ramambo raifanira kukurumidzirwa.” Mupristi akati, “Munondo waGoriati muFirisitia, wawakauraya pamupata weEra, uri pano, wakaputirwa mumucheka mberi kweefodhi; kana uchida kuutora, chitora hako, nokuti hakuna mumwe asi iwoyo.” Dhavhidhi akati, “Hakuna nomumwe wakafanana nawo, ndipe hoyo.” Dhavhidhi akasimuka akatiza iwoyo nokutya Sauro, akaenda kuna Akishi, mambo weGati. Zvino varanda vaAkishi vakati kwaari, “Ko uyu haazi Dhavhidhi mambo wenyika here? Haazi iye wavakaimbira vachibvumirana pakutamba kwavo, vachiti, ‘Sauro wakauraya zviuru zvamazana ake, Asi Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana ake?’ ” Dhavhidhi akarangarira mashoko iwayo mumwoyo make, akatya kwazvo Akishi mambo weGati. Akashandura mugarire wake pamberi pavo, akazviita sebenzi pakati pavo, akakwara‐kwara pamagonhi esuo, akarega mate ake achisiririka pandebvu dzake. Zvino Akishi akati kuvaranda vake, “Tarirai, munhu uyu ibenzi; mauyireiko naye kuno kwandiri? Ini ndinoshaiwa mapenzi kanhi, zvamauya nomunhu uyu kuzoratidza upenzi hwake pamberi pangu? Munhu wakadai ungapinda mumba mangu here?”

1 Samueri 21:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Dhavhidhi akasvika kuNobhu kumupristi Ahimereki. Ahimereki akachingurana naDhavhidhi achidedereswa nazvo, akati kwaari, “Zvaita seiko kuuya uri woga woga kudai usina nomumwe wose wawauya naye?” Dhavhidhi akapindura mupristi Ahimereki achiti, “Pane zvandinazvo zvandatsindidzwa namambo. Vanditi, ‘Rega zvako kuwana waunotaurira kana kai zvako pane zvandakutuma kundoita.’ Ndaronga kuti ndionane namamwe majaya kune imwewo nzvimbo. Ko zvino imi mune chokubatawo here pano apa? Ndipeiwo zvingwa zvishanu kana chimwewo chokudya chamunacho pano?” Mupristi uyu akapindura Dhavhidhi achiti, “Chingwa zvacho handina, asi ndine chingwa chinoera chete, ndokungewo majaya enyu acho anga achizvibata asingapinde mumba navakadzi.” Dhavhidhi akapindurawo mupristi kuti, “Ichokwadi kuti zvavakadzi izvo hatina kuzvibvumirwa semhiko yedu yatinochengeta nguva dzose patinenge toda kuenda kundorwa. Havazvin'oresewo muviri, kunyange parwendo runenge ruri rwendowo zvarwo. Ndoda kutozoti rwendo runo uru havana kumbozvin'oresa miviri.” Naizvozvo mupristi uyu akamupa chingwa chinoera zvapakanga pasina chimwe chingwawo zvacho kuchingova chete nechingwa chapana Mwari, chaiti kana chabviswa pana Tenzi chobva chatsiviwawo nechimwe chingwa chinenge chichiri kudziya musi wakareyo wachabviswa. Musi iwoyo paiva nomumwe muranda waSauro akanga aine chokuita pana Tenzi. Ainzi Dhoegi muEdhomu ariye mukuru wavafudzi vokwaSauro. Dhavhidhi akati kuna vaAhimereki, “Ko mune pfumowo here kana bakatwa, nokuti ini handina kumbouya nebakatwa rangu kana nechimwe chombo zvacho nokuti zvandatumwa namambo ndezvechimbichimbi?” Mupristi ndokuti, “Panongova nebakatwa raGoriati muFirisitia wavakauraya uya kubani reEra, ndoriri pano rakaita zvokuputirwa mujira, riri kuseri kweefodhi. Kana uchida kutora iroro, tora zvako nokuti hakuna chimwe chandinacho pano, kusiya iroro.” Dhavhidhi akati, “Hakuna rimwe rakaita sairoro, ndipei zvenyu iroro.” Nokudaro Dhavhidhi akasimudzira rwendo rwake musi iwoyo rwokutiza Sauro, akaenda kuna Akishi, mambo wokuGati. Asi makurukota aiye Akishi akati, “Haasiri iye here Dhavhidhi mambo wenyika iya uyu? Haasiye here wavanoimba vachitamba vachiti, “Sauro wakauraya zviuru. Asi Dhavhidhi makumi namakumi ezviuru?” Mazwi aya akarovesa hana Dhavhidhi akabva ava kutya kwazvo Akishi mambo weGati. Nokudaro akabva apindura maitiro ake woita zvake somunhu anopenga vachitoita wokutobata. Akamara-mara magonhi esuo guru, achirwedza rute pandebvu dzake. Akishi ndokuti kumakurukota ake, “Inga muri kuzvionawo kuti munhu uyu, munhu anopenga uyu, zvino chamauyira naye kwandiri chii? Manzwa kuti ndine nhamo yevanhu vanopenga here zvamauya naye kuzondiitira musara wake pano? Izvozvi muri kuda kuti iyeyu apinde mumba mangu nhai?”

1 Samueri 21:1-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Davidi akaȿika Nobi kunaAhimereki muprista; Ahimereki akasoŋgana naDavidi aciɗeɗera; akati kwaari: Uri woga neiko, usinomumŋe newe? Davidi akati kunaAhimereki muprista: Mambo wakandiraira ɓasa, akati kwandiri: Ŋgakurege kuʋa nomunhu unoziʋa cinhu ceɓasa randinokutuma naro, nerandinokuraira. Majaya ndakaaraira kusoŋgana neni paneimŋe nɀimbo. Naiɀoɀo ɀino, muneiko pano? Ndipei ɀiŋgwa ɀishanu muruʋoko rwaŋgu, kunyaŋge ɀipi neɀipi ɀiri’po. Muprista akapindura Davidi, akati: Hapaneciŋgwa cinosidyiwa muruʋoko rwaŋgu, asi ciŋgwa citȿene ndico ciri’po; kwoga kana majaya akaɀidzora kuʋakadzi. Davidi akapindura muprista, akati kwaari: Ɀirokwaɀo, ʋakadzi ʋakadziʋiswa kwatiri sapaŋguʋa dzose kana ndicifamba rwendo; nhumbi dzamajaya dzakaŋga dziri tȿene, kunyaŋge rwaiʋa rwendo rwamazuʋa ose harwo, ndoɗa nhasi nhumbi dzaʋo dzicaʋa tȿene. Naiɀoɀo muprista akamupa ciŋgwa citȿene, nokuti kwakaŋga kusineciŋgwa’po, asi ciŋgwa cokuratidza, cakaŋga cabviswa pamberi paJehova, kuti ciŋgwa cinopisa ciiswe’po pazuʋa rokubviswa kwaco. Ɀino mumŋe muranda waSauro wakaŋga ari’po nomusi iwoyo, anonoswa pamberi paJehova, wainzi Doegi, muEdomi, mutariri waʋafudzi ʋaSauro. Davidi akati kunaAhimereki: Hapana pfumo kana munondo kwamuri here? Nokuti handina‐kuʋuya nomunondo waŋgu, kana nhumbi dzaŋgu dzokurwa nadzo, nokuti ɓasa ramambo raifanira kukurumidzirwa. Muprista akati: Munondo waGoriati muFiristia, wawakaʋuraya pamupata weEra, uri pano, wakaputirwa mumuceka mberi kweefodi; kana uciɗa kuutora, citora hako, nokuti hakunomumŋe asi iwoyo. Davidi akati: Hakunomumŋe wakafanana nawo, ndipe hoyo. Davidi akasimuka akatiza musi iwoyo nokutya Sauro, akaenda kunaAkishi, mambo weGati. Ɀino ʋaranda ʋaAkishi ʋakati kwaari: Ko uyu haazi Davidi mambo wenyika here? Haazi iye waʋakaimbira ʋacibvumirana pakutamba kwaʋo, ʋaciti: Sauro wakaʋuraya ɀuru ɀamazana ake, Asi Davidi makumi eɀuru ɀamazana ake? Davidi akaraŋgarira mashoko iwayo mumŋoyo make, akatya kwaɀo Akishi mambo weGati. Akashandura mugarire wake pamberi paʋo, akaɀiita seɓenzi pakati paʋo, akakwara‐kwara pamagonhi esuʋo, akarega mate ake acisiririka pandebvu dzake. Ɀino Akishi akati kuʋaranda ʋake: Tarirai, munhu uyu iɓenzi; maʋuyireiko naye ʋuno kwandiri? Ini ndinoshaiwa mapenzi kanhi, ɀamaʋuya nomunhu uyu kuzoratidza ʋupenzi bgake pamberi paŋgu? Munhu wakaɗai uŋgapinda mumba maŋgu here?

1 Samueri 21:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)