Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 21:1-15

1 Samueri 21:1-15 SCLB

Dhavhidhi akasvika kuNobhu kumupristi Ahimereki. Ahimereki akachingurana naDhavhidhi achidedereswa nazvo, akati kwaari, “Zvaita seiko kuuya uri woga woga kudai usina nomumwe wose wawauya naye?” Dhavhidhi akapindura mupristi Ahimereki achiti, “Pane zvandinazvo zvandatsindidzwa namambo. Vanditi, ‘Rega zvako kuwana waunotaurira kana kai zvako pane zvandakutuma kundoita.’ Ndaronga kuti ndionane namamwe majaya kune imwewo nzvimbo. Ko zvino imi mune chokubatawo here pano apa? Ndipeiwo zvingwa zvishanu kana chimwewo chokudya chamunacho pano?” Mupristi uyu akapindura Dhavhidhi achiti, “Chingwa zvacho handina, asi ndine chingwa chinoera chete, ndokungewo majaya enyu acho anga achizvibata asingapinde mumba navakadzi.” Dhavhidhi akapindurawo mupristi kuti, “Ichokwadi kuti zvavakadzi izvo hatina kuzvibvumirwa semhiko yedu yatinochengeta nguva dzose patinenge toda kuenda kundorwa. Havazvin'oresewo muviri, kunyange parwendo runenge ruri rwendowo zvarwo. Ndoda kutozoti rwendo runo uru havana kumbozvin'oresa miviri.” Naizvozvo mupristi uyu akamupa chingwa chinoera zvapakanga pasina chimwe chingwawo zvacho kuchingova chete nechingwa chapana Mwari, chaiti kana chabviswa pana Tenzi chobva chatsiviwawo nechimwe chingwa chinenge chichiri kudziya musi wakareyo wachabviswa. Musi iwoyo paiva nomumwe muranda waSauro akanga aine chokuita pana Tenzi. Ainzi Dhoegi muEdhomu ariye mukuru wavafudzi vokwaSauro. Dhavhidhi akati kuna vaAhimereki, “Ko mune pfumowo here kana bakatwa, nokuti ini handina kumbouya nebakatwa rangu kana nechimwe chombo zvacho nokuti zvandatumwa namambo ndezvechimbichimbi?” Mupristi ndokuti, “Panongova nebakatwa raGoriati muFirisitia wavakauraya uya kubani reEra, ndoriri pano rakaita zvokuputirwa mujira, riri kuseri kweefodhi. Kana uchida kutora iroro, tora zvako nokuti hakuna chimwe chandinacho pano, kusiya iroro.” Dhavhidhi akati, “Hakuna rimwe rakaita sairoro, ndipei zvenyu iroro.” Nokudaro Dhavhidhi akasimudzira rwendo rwake musi iwoyo rwokutiza Sauro, akaenda kuna Akishi, mambo wokuGati. Asi makurukota aiye Akishi akati, “Haasiri iye here Dhavhidhi mambo wenyika iya uyu? Haasiye here wavanoimba vachitamba vachiti, “Sauro wakauraya zviuru. Asi Dhavhidhi makumi namakumi ezviuru?” Mazwi aya akarovesa hana Dhavhidhi akabva ava kutya kwazvo Akishi mambo weGati. Nokudaro akabva apindura maitiro ake woita zvake somunhu anopenga vachitoita wokutobata. Akamara-mara magonhi esuo guru, achirwedza rute pandebvu dzake. Akishi ndokuti kumakurukota ake, “Inga muri kuzvionawo kuti munhu uyu, munhu anopenga uyu, zvino chamauyira naye kwandiri chii? Manzwa kuti ndine nhamo yevanhu vanopenga here zvamauya naye kuzondiitira musara wake pano? Izvozvi muri kuda kuti iyeyu apinde mumba mangu nhai?”