1 Samueri 13:1-23
1 Samueri 13:1-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Sauro akanga ava namakore makumi matatu paakava mambo, uye akatonga Israeri kwamakore makumi mana namaviri. Sauro akasarudza varume vaIsraeri zviuru zvitatu; zviuru zviviri zvavo zvaiva naye paMikimashi nomunyika yamakomo yeBheteri, uye chiuru chimwe chete chaiva naJonatani paGibhea muBhenjamini. Vamwe vose akavadzosa kumisha yavo. Jonatani akarwisa boka ravarwi vavaFiristia vakanga vari paGebha, vaFiristia vakazvinzwa. Uye Sauro akaridza hwamanda munyika yose akati, “VaHebheru, inzwai!” Uye Israeri yose yakanzwa nhau idzi dzokuti, “Sauro arwisa boka ravaFiristia, Israeri yava chinhu chinonyangadza pamberi pavaFiristia.” Zvino vanhu vakadanwa kuti vandobatana pamwe chete naSauro paGirigari. VaFiristia vakaungana kuti varwise Israeri, vane zviuru zvitatu zvengoro, nezviuru zvitatu zvavachairi vengoro, navarwi vakawanda sejecha remhenderekedzo dzegungwa. Vakaenda vakandodzika misasa paMikimashi, kumabvazuva kweBhetiavheni. Varume veIsraeri vakati vaona kuti zvinhu zvaipa uye kuti hondo yavo yakanga yamanikidzwa zvikuru, vakavanda mumapako nomumatenhere, pakati pamatombo, nomumakomba nomumigodhi yemvura. Vamwe vaHebheru vakatoyambuka Jorodhani vakaenda kunyika yeGadhi neGireadhi. Sauro akasara paGireadhi uye varwi vose vaaiva navo vakadedera nokutya. Akamira kwamazuva manomwe, nguva yakanga yatarwa naSamueri; asi Samueri haana kuuya kuGirigari, uye varwi vaSauro vakatanga kupararira. Saka akati, “Ndiunzirei chipiriso chinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa.” Ipapo Sauro akapa chipiriso chinopiswa. Achingopedza kupa chipiriso, Samueri akasvika, Sauro akaenda kundomukwazisa. Samueri akati, “Waiteiko?” Sauro akapindura achiti, “Pandaona kuti varume vava kupararira, uye kuti hamuna kusvika nenguva yakataurwa, uye kuti vaFiristia vava kuungana paMikimashi, ndafunga kuti, ‘Zvino vaFiristia vachauya kuzondirwisa paGirigari, uye handisati ndatsvaka nyasha dzaJehovha.’ Naizvozvo ndazvimanikidza kuti ndipe chipiriso chinopiswa.” Samueri akati, “Waita zvoupenzi. Hauna kuchengeta murayiro wawakapiwa naJehovha Mwari wako; dai wanga wadaro, Jehovha angadai asimbisa umambo hwako pamusoro peIsraeri kwenguva yose. Asi iye zvino umambo hwako hahuchagari; Jehovha azvitsvakira munhu anofadza mwoyo wake, akamugadza kuti ave mutungamiri wavanhu vake, nokuti hauna kuchengeta murayiro waJehovha.” Uye Samueri akabva paGirigari akakwidza akaenda kuGibhea muBhenjamini, uye Sauro akaverenga varume vaakanga anavo. Vaikarosvika mazana matanhatu. Sauro nomwanakomana wake Jonatani navarume vaakanga anavo, vaigara muGibhea muBhenjamini, asi vaFiristia vakanga vakadzika misasa paMikimashi. Vapambi vakabuda mumisasa yavaFiristia vari mumapoka matatu. Rimwe boka rakananga kuOfira munharaunda yeShuari, rimwe boka rakananga kuBhetihoroni, uye rechitatu rakananga kumuganhu wakatarisana noMupata weZebhoimi kurutivi rwerenje. Zvino kwakanga kusina mupfuri munyika yeIsraeri nokuti vaFiristia vakanga vati, “Zvichida vaHebheru vangagadzira minondo kana mapfumo!” Naizvozvo vaIsraeri vose vaidzika kuvaFiristia kuti vandorodzerwa miromo yamagejo, mapiki, matemo namajeko. Muripo wokurodzesa miromo yamagejo, namapiki, waiva zvikamu zviviri kubva muzvitatu zveshekeri, uye muripo wokurodzesa forogo namatemo, nezvibayiso zvemombe waiva chikamu chimwe chete kubva muzvitatu cheshekeri. Saka pazuva rokurwa hapana murwi waSauro naJonatani aiva nomunondo kana pfumo muruoko rwake; Sauro chete nomwanakomana wake Jonatani ndivo vaiva nazvo. Zvino boka ravarwi ravaFiristia rakanga rabuda richienda kumupata weMikimashi.
1 Samueri 13:1-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Sauro wakanga anamakore ana makumi matatu pakutanga kwake kutonga ushe, akabata vaIsiraeri makore maviri. Sauro akazvitsaurira varume vaIsiraeri vane zviuru zvitatu; zviuru zviviri zvavo zvaigara kuna Sauro paMikimashi pagomo reBetieri, nechiuru chimwe chaigara naJonatani paGibhea kwaBhenjamini; vamwe vanhu vose akavadzosera, mumwe nomumwe kutende rake. Jonatani akaparadza boka ravarwi vavaFirisitia vaigara Gebha; vaFirisitia vakazvinzwa. Zvino Sauro akaridza hwamanda panyika yose, akati, “VaHebheru ngavanzwe.” VaIsiraeri vose vakanzwa kuti Sauro waparadza boka ravarwi vavaFirisitia, uye kuti vaIsiraeri vovengwa navaFirisitia. Vanhu vose vakaunganidzwa kuti vaende Girigari naSauro. Zvino vaFirisitia vakaungana kuzorwa navaIsiraeri, vane ngoro dzine zviuru zvina makumi matatu, navatasvi vane zviuru zvitanhatu, navanhu vakanga vakafanana nejecha regungwa pakuwanda kwavo; vakakwira vakandodzika matende avo paMikimashi, kumabvazuva kweBhetiaveni. Zvino varume vaIsiraeri vakati vachiona kuti vava panjodzi (nokuti vanhu vakanga vomanikidzwa), vanhu vakavanda mumapako, nomumatenhere, napakati pamatombo, nomunhare, nomumakomba. Uye vamwe vavaHebheru vakanga vayambuka Jorodhani kunyika yaGadi neyaGireadi; asi Sauro wakanga achiri Girigari, vanhu vose vakamutevera vachibvunda. Akamira mazuva manomwe akanga atarwa naSamueri; asi Samueri haana kusvika paGirigari, vanhu vakatanga kupararira vachimusiya. Zvino Sauro akati, “Uyai kwandiri nechipiriso chinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa.” Akapisa chipiriso chinopiswa. Zvino wakati achangopedza kupisa chipiriso chinopiswa, Samueri akasvika; Sauro akabuda kundosangana naye, kuti amukwazise. Samueri akati, “Waiteiko?” Sauro akati, “Ndakaona kuti vanhu vopararira, vachindisiya, uye kuti imi hamuna kusvika namazuva akanga atarwa, uye kuti vaFirisitia vakanga vaungana paMikimashi, saka ndikati, ‘Zvino vaFirisitia vachaburuka kuzondivamba paGirigari ini ndichigere kukumbira Jehovha kundibatsira;’ naizvozvo ndakazvigombedzera ndikapisira chipiriso chinopiswa, ndisingadi hangu.” Samueri akati kuna Sauro, “Waita sebenzi; hauna kuchengeta murayiro waJehovha Mwari wako, waakanga akuraira; nokuti zvino Jehovha wakanga achida kusimbisa ushe hwako pakati pavaIsiraeri nokusingaperi. “Asi zvino ushe hwako hahungagari; Jehovha wakazvitsvakira munhu unofadza mwoyo wake, Jehovha akamugadza ave mutungamiriri wavanhu vake, nokuti iwe hauna kuchengeta zvawakanga warairwa naJehovha.” Samueri akasimuka, akabva Girigari akaenda Gibhea kwaBhenjamini. Sauro akaverenga vanhu vaakanga anavo, vakasvika varume vanenge mazana matanhatu. Sauro naJonatani mwanakomana wake, navanhu vavakanga vanavo, vakagara paGeba kwaBhenjamini; asi vaFirisitia vakanga vavaka misasa yavo paMikimashi. Zvino vaparadzi vakabuda kumisasa yavaFirisitia, vakaita mapoka matatu; boka rimwe rakabuda nenzira inoenda Ofira kunyika yaShauri, rimwe boka rikabuda nenzira inoenda Bhetihoroni; nerimwe boka rikabuda nenzira yakaenda kumuganho unotarira kumupata weZebhoimu, kurutivi rwerenje. Zvino kwakanga kusino mupfuri munyika yose yaIsiraeri, nokuti vaFirisitia vakati, “VaHebheru ngavarege kuzvipfurira minondo namapfumo. Asi vaIsiraeri vose vaifanira kuburukira kuvaFirisitia, mumwe nomumwe kana achida kurodzerwa muromo wegeja rake, nebadza rake, nesanhu rake, nembezo yake; nguva imwe neimwe kana mbezo dzavo, namapadza avo, neforogo dzavo, namasanhu avo zvokomara; uye kugadzirirwa zvokubaya mombe nazvo.” Naizvozvo panguva yokurwa kwakanga kusino munondo, kana pfumo muruoko rwomunhu mumwe wavanhu vakanga vanaSauro naJonatani; asi Sauro naJonatani mwanakomana wake vakanga vanazvo. Zvino boka ravarwi vavaFirisitia rakabuda kumupata weMikimashi.
1 Samueri 13:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sauro akanga ava namakore... paakatangisa kutonga. Akatonga Isiraeri kwamakore... namaviri. Sauro akasarudza zviuru zvitatu zvavarume muIsiraeri. Zviuru zviviri zvaivavo zvaiva naSauro kuMikimashi munyika yamakomo yeBhetieri. Vamwe vacho chiuru chimwechete vaingewo vaina Jonatani kuGibhea rokwaBhenjamini. Vamwe vose akavati vadzokere kwavo vaende zvavo kumisha yavo. Jonatani akakurira chikwata chavarwi vavaFirisitia chaiva kuGibhea, vaFirisitia ndokuzvinzwa. Sauro ndokuridza hwamanda munyika iyi yose achitiwo, “VaHebheru vose ngavanzwe zviri kuno!” VaIsiraeri vose ndokunzwa kuti Sauro akarwisa chikwata chavarwi vavaFirisitia uyewo kuti vaFirisitia vatova nedaka navaIsiraeri. Vanhu vakakokorodzwa kuna Sauro kuGirigari. VaFirisitia vakaunganidzana kuti vachirwisa vaIsiraeri. Vaiva nezviuru makumi matatu engoro dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo zviuru zvitanhatu, varwi vavo vachinge jecha rokumahombekombe kwegungwa kuwanda. Vakakwira vakadzika matendhe avo kuMikimashi kumabvazuva kweBhetiavheni. Varume vomuIsiraeri pavakaona kuti vava parumano, (izvozvo vakanga zvino vakokeranwa) vakahwanda mumapako nomudzininga nomumatombo nomumakomba nomudzinhare. Vamwe vaHebheru vakayambuka Jorodhani vakapinda munyika yokwaGadhi neGireadhi. Sauro akanga achiri kuGirigari vose vaaiva navo vakanga vachidedera nokutya. Akamirira Samueri mazuva manomwe, nokuti ndiyo nguva yakanga yatarwa naSamueri. Asi Samueri haana kunge asvika kuGirigari. Vanhuwo vakanga voita rumwe rumwe kusiya Sauro. Sauro ndokuti, “Uyai nechibayiro chomupiro wokupisa pano pandiri pamwechete nechibayiro chemipiro yokuwadzana.” Sauro akabva apira mupiro wokupisa. Achangoti pedzei kupira mupiro wokupisa iwoyo, Samueri ndiye vhu. Sauro akaenda kundomuchingura nokumukwazisa. Samueri akati, “Ko ndochii ichochi chawaita?” Sauro akati, “Pandakaona varwi vangu vava kuita rumwe rumwe kundisiya, imiwo usina kuuya mumazuva atakanga tatarirana kuuya uye hondo yavaFirisitia yaungana kuMikimashi, ndakati, ‘Zvino vaFirisitia vachadzamara vondivinga kuGirigari kuno ndisati ndakumbira rubatsiro kuna Tenzi,’ ndozvakandisvitsa pakupira mupiro wokupisa.” Samueri ndokuti kuna Sauro, “Waita zvoupenzi, hauna kuchengeta mutemo waTenzi, Mwari wako waakakupa. Dai wanga wauchengeta Tenzi angadai azotsigisa umambo hwako hweIsiraeri kuti huvepo narini wose. Asi zvino umambo hwako hauchaenderera mberi. Tenzi atotsvaka mumwe murume wepamwoyo pake. Saka Tenzi atomusarudza kuti ave mutungamiriri wavanhu vake nokuti iwe hauna kuchengeta zvawakanzi naTenzi uite.” Samueri akasimuka kuGirigari ndokuenda kuGibhea kwaBhenjamini. Sauro akaverenga vanhu vaiva naye vakasvika mazana matanhatu avarume. Sauro nomwanakomana wake, Jonatani, pamwechete navanhu vavaiva navo vakanga vari kuGibhea kwaBhenjamini, izvozvo vaFirisitia vakanga vakadzika matendhe avo kuMikimashi. Mumatendhe evaFirisitia makabuda zvikwata zvitatu zvavarwi vokundopamba. Chimwe chakaenda kuOfura kudunhu reShuaru, chimwe chikwata chikananga kuBhetihoroni. Chimwewo chikananga kumuganhu wakatarisana nenyika yebani reZebhoimu chakananga kurenje. Izvozvo munyika yose yeIsiraeri makanga musina kana mhizha yokupfura simbi nokuti vaFirisitia vaityira kuti vaHebheru vangadaro vakazvigadzirira mapakatwa namapfumo. MuIsiraeri wose aitodzika kuvaFirisitia kundorodzerwa muromo wegejo rake kana badza rake kana demo rake kanawo jeko rake. Kuti muromo wegejo rake kana kuti badza rake rirodzwe aitobvisiswa mari yesirivha yamashekeri inorema magiramu masere. Kutiwo demo rirodzwe kana kuti mhayo yokutinhisa zvipfuwo iiswe muromo wesimbi aitobvisa mari yesirivha yamashekeri inorema magiramu mana. Naizvozvowo musi wehondo iyi pavanhu vaiva naSauro naJonatani hakuna kana nomumwe wavo aiva nebakatwa kana pfumo zvaro muchanza. Asi Sauro nomwana wake, Jonatani ndivo chete vaiva nazvo. Chimwe chikwata chavarwi vechiFirisitia chakandogaririra chiri kumupata wokuMikimashi.
1 Samueri 13:1-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Sauro wakaŋga anamakore anamakumi matatu pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe, akaɓata ʋaIsraeri makore maʋiri. Sauro akaɀitsaurira ʋarume ʋaIsraeri ʋaneɀuru ɀitatu; ɀuru ɀiʋiri ɀaʋo ɀaigara kunaSauro paMikmashi pagomo reBeti‐eri, necuru cimŋe caigara naJonatani paGibea kwaBenjamini; ʋamŋe ʋanhu ʋose akaʋadzosera, mumŋe nomumŋe kutente rake. Jonatani akaparadza ɓoka raʋarwi ʋaʋaFiristia ʋaigara Geba; ʋaFiristia ʋakaɀinzwa. Ɀino Sauro akaridza hwamanda panyika yose, akati: ƲaHeberu ŋgaʋanzwe. ƲaIsraeri ʋose ʋakanzwa kuti Sauro waparadza ɓoka raʋarwi ʋaʋaFiristia, ʋuye kuti ʋaIsraeri ʋoʋeŋgwa naʋaFiristia. Ʋanhu ʋose ʋakaʋuŋganidzwa kuti ʋaende Girgari naSauro. Ɀino ʋaFiristia ʋakaʋuŋgana kuzorwa naʋaIsraeri, ʋaneŋgoro dzineɀuru ɀinamakumi matatu, naʋataȿi ʋaneɀuru ɀitanhatu, naʋanhu ʋakaŋga ʋakafanana nejeca reguŋgwa pakuwanda kwaʋo; ʋakakwira ʋakandodzika matente aʋo paMikmashi, kumabvazuʋa kweBeti‐aveni. Ɀino ʋarume ʋaIsraeri ʋakati ʋaciʋona kuti ʋaʋa panjodzi (nokuti ʋanhu ʋakaŋga ʋomanikidzwa), ʋanhu ʋakaʋanda mumapako, nomumatenhere, napakati pamatombo, nomunhare, nomumakomba. Ʋuye ʋamŋe ʋaʋaHeberu ʋakaŋga ʋayambuka Joridani kunyika yaGadi neyaGireadi; asi Sauro wakaŋga aciri Girgari, ʋanhu ʋose ʋakamuteʋera ʋacibvunda. Akamira mazuʋa manomŋe akaŋga atarwa naSamueri; asi Samueri haanakuȿika paGirgari, ʋanhu ʋakataŋga kupararira ʋacimusiya. Ɀino Sauro akati: Ʋuyai kwandiri necipiriso cinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa. Akapisa cipiriso cinopiswa. Ɀino wakati acaŋgopedza kupisa cipiriso cinopiswa, Samueri akaȿika; Sauro akaɓuɗa kundosoŋgana naye, kuti amukwazise. Samueri akati: Waiteiko? Sauro akati: Ndakaʋona kuti ʋanhu ʋopararira, ʋacindisiya, ʋuye kuti imi hamunakuȿika namazuʋa akaŋga atarwa, ʋuye kuti ʋaFiristia ʋakaŋga ʋaʋuŋgana paMikmashi, saka ndikati: Ɀino ʋaFiristia ʋacaɓuruka kuzondiʋamba paGirgari ini ndicigere kukumbira Jehova kundiɓatsira; naiɀoɀo ndakaɀigombedzera ndikapisira cipiriso cinopiswa, ndisiŋgaɗi haŋgu. Samueri akati kunaSauro: Waita seɓenzi; hauna‐kuceŋgeta murairo waJehova Mŋari wako, waakaŋga akuraira; nokuti ɀino Jehova wakaŋga aciɗa kusimbisa ʋushe bgako pakati paʋaIsraeri nokusiŋgaperi. Asi ɀino ʋushe bgako habguŋgagari; Jehova wakaɀitȿakira munhu unofadza mŋoyo wake, Jehova akamugadza aʋe mutuŋgamiriri waʋanhu ʋake, nokuti iwe hauna‐kuceŋgeta ɀawakaŋga warairwa naJehova. Samueri akasimuka, akabva Girgari, akaenda Gibea kwaBenjamini. Sauro akaʋereŋga ʋanhu ʋaakaŋga anaʋo, ʋakaȿika ʋarume ʋaneŋge mazana matanhatu. Sauro naJonatani mŋanakomana wake, naʋanhu ʋaʋakaŋga ʋanaʋo, ʋakagara paGeba kwaBenjamini; asi ʋaFiristia ʋakaŋga ʋaʋaka misasa yaʋo paMikmashi. Ɀino ʋaparadzi ʋakaɓuɗa kumisasa yaʋaFiristia, ʋakaita mapoka matatu; ɓoka rimŋe rakaɓuɗa nenzira inoenda Ofra kunyika yaShuari, rimŋe ɓoka rikaɓuɗa nenzira inoenda Beti‐horoni; nerimŋe ɓoka rikaɓuɗa nenzira yakaenda kumuganho unotarira kumupata weZeboimi, kurutiʋi rwerenje. Ɀino kwakaŋga kusinomupfuri munyika yose yaIsraeri, nokuti ʋaFiristia ʋakati: ƲaHeberu ŋgaʋarege kuɀipfurira minondo namapfumo. Asi ʋaIsraeri ʋose ʋaifanira kuɓurukira kuʋaFiristia, mumŋe nomumŋe kana aciɗa kurodzerwa muromo wegeja rake, neɓadza rake, nesanhu rake, nembezo yake; ŋguʋa imŋe neimŋe kana mbezo dzaʋo, namapadza aʋo, neforogo dzaʋo, namasanhu aʋo ɀokomara; ʋuye kugadzirirwa ɀokuɓaya ŋombe naɀo. Naiɀoɀo paŋguʋa yokurwa kwakaŋga kusinomunondo, kana pfumo muruʋoko rwomunhu mumŋe waʋanhu ʋakaŋga ʋanaSauro naJonatani; asi Sauro naJonatani mŋanakomana wake ʋakaŋga ʋanaɀo. Ɀino ɓoka raʋarwi ʋaʋaFiristia rakaɓuɗa kumupata weMikmashi.
1 Samueri 13:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)