Sauro akanga ava namakore... paakatangisa kutonga. Akatonga Isiraeri kwamakore... namaviri. Sauro akasarudza zviuru zvitatu zvavarume muIsiraeri. Zviuru zviviri zvaivavo zvaiva naSauro kuMikimashi munyika yamakomo yeBhetieri. Vamwe vacho chiuru chimwechete vaingewo vaina Jonatani kuGibhea rokwaBhenjamini. Vamwe vose akavati vadzokere kwavo vaende zvavo kumisha yavo. Jonatani akakurira chikwata chavarwi vavaFirisitia chaiva kuGibhea, vaFirisitia ndokuzvinzwa. Sauro ndokuridza hwamanda munyika iyi yose achitiwo, “VaHebheru vose ngavanzwe zviri kuno!” VaIsiraeri vose ndokunzwa kuti Sauro akarwisa chikwata chavarwi vavaFirisitia uyewo kuti vaFirisitia vatova nedaka navaIsiraeri. Vanhu vakakokorodzwa kuna Sauro kuGirigari. VaFirisitia vakaunganidzana kuti vachirwisa vaIsiraeri. Vaiva nezviuru makumi matatu engoro dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo zviuru zvitanhatu, varwi vavo vachinge jecha rokumahombekombe kwegungwa kuwanda. Vakakwira vakadzika matendhe avo kuMikimashi kumabvazuva kweBhetiavheni. Varume vomuIsiraeri pavakaona kuti vava parumano, (izvozvo vakanga zvino vakokeranwa) vakahwanda mumapako nomudzininga nomumatombo nomumakomba nomudzinhare. Vamwe vaHebheru vakayambuka Jorodhani vakapinda munyika yokwaGadhi neGireadhi. Sauro akanga achiri kuGirigari vose vaaiva navo vakanga vachidedera nokutya. Akamirira Samueri mazuva manomwe, nokuti ndiyo nguva yakanga yatarwa naSamueri. Asi Samueri haana kunge asvika kuGirigari. Vanhuwo vakanga voita rumwe rumwe kusiya Sauro. Sauro ndokuti, “Uyai nechibayiro chomupiro wokupisa pano pandiri pamwechete nechibayiro chemipiro yokuwadzana.” Sauro akabva apira mupiro wokupisa. Achangoti pedzei kupira mupiro wokupisa iwoyo, Samueri ndiye vhu. Sauro akaenda kundomuchingura nokumukwazisa. Samueri akati, “Ko ndochii ichochi chawaita?” Sauro akati, “Pandakaona varwi vangu vava kuita rumwe rumwe kundisiya, imiwo usina kuuya mumazuva atakanga tatarirana kuuya uye hondo yavaFirisitia yaungana kuMikimashi, ndakati, ‘Zvino vaFirisitia vachadzamara vondivinga kuGirigari kuno ndisati ndakumbira rubatsiro kuna Tenzi,’ ndozvakandisvitsa pakupira mupiro wokupisa.” Samueri ndokuti kuna Sauro, “Waita zvoupenzi, hauna kuchengeta mutemo waTenzi, Mwari wako waakakupa. Dai wanga wauchengeta Tenzi angadai azotsigisa umambo hwako hweIsiraeri kuti huvepo narini wose. Asi zvino umambo hwako hauchaenderera mberi. Tenzi atotsvaka mumwe murume wepamwoyo pake. Saka Tenzi atomusarudza kuti ave mutungamiriri wavanhu vake nokuti iwe hauna kuchengeta zvawakanzi naTenzi uite.” Samueri akasimuka kuGirigari ndokuenda kuGibhea kwaBhenjamini. Sauro akaverenga vanhu vaiva naye vakasvika mazana matanhatu avarume. Sauro nomwanakomana wake, Jonatani, pamwechete navanhu vavaiva navo vakanga vari kuGibhea kwaBhenjamini, izvozvo vaFirisitia vakanga vakadzika matendhe avo kuMikimashi. Mumatendhe evaFirisitia makabuda zvikwata zvitatu zvavarwi vokundopamba. Chimwe chakaenda kuOfura kudunhu reShuaru, chimwe chikwata chikananga kuBhetihoroni. Chimwewo chikananga kumuganhu wakatarisana nenyika yebani reZebhoimu chakananga kurenje. Izvozvo munyika yose yeIsiraeri makanga musina kana mhizha yokupfura simbi nokuti vaFirisitia vaityira kuti vaHebheru vangadaro vakazvigadzirira mapakatwa namapfumo. MuIsiraeri wose aitodzika kuvaFirisitia kundorodzerwa muromo wegejo rake kana badza rake kana demo rake kanawo jeko rake. Kuti muromo wegejo rake kana kuti badza rake rirodzwe aitobvisiswa mari yesirivha yamashekeri inorema magiramu masere. Kutiwo demo rirodzwe kana kuti mhayo yokutinhisa zvipfuwo iiswe muromo wesimbi aitobvisa mari yesirivha yamashekeri inorema magiramu mana. Naizvozvowo musi wehondo iyi pavanhu vaiva naSauro naJonatani hakuna kana nomumwe wavo aiva nebakatwa kana pfumo zvaro muchanza. Asi Sauro nomwana wake, Jonatani ndivo chete vaiva nazvo. Chimwe chikwata chavarwi vechiFirisitia chakandogaririra chiri kumupata wokuMikimashi.
Verenga chikamu 1 Samueri 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Samueri 13:1-23
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo