Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 4:29-34 - Compare All Versions

1 Madzimambo 4:29-34 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Mwari akapa Soromoni uchenjeri, nokunzwisisa kukuru sejecha rapamahombekombe egungwa. Uchenjeri hwaSoromoni hwakanga hwakapfuura uchenjeri hwavanhu vose vokumabvazuva, nouchenjeri hwose hwokuIjipiti. Akanga akachenjera kupfuura vamwe vose; akachenjera kupfuura Etani muEzrahi, Hemani, Karikori, naDharidha, vanakomana vaMahori. Mukurumbira wake wakapararira kunyika dzose dzakapoteredza. Akataura zvirevo zviuru zvitatu, uye dzimbo dzake dzaikwana chiuru neshanu. Akatsanangura makuriro emiti, kubvira kumusidhari weRebhanoni kusvikira kumihisopi inokura mumadziro. Akadzidzisawo pamusoro pemhuka, shiri, zvinokambaira nehove. Vanhu vakauya vachibva kunyika dzose kuti vazonzwa uchenjeri hwaSoromoni; vakauya vachitumwa namadzimambo ose enyika akanga anzwa nezvouchenjeri hwake.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 4 BDSC

1 Madzimambo 4:29-34 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Mwari akapa Soromoni kungwara nokunzwisisa kukuru, nomwoyo wakaziva zvakanaka, zvakafanana nejecha riri pamhenderekedzo yegungwa. Kungwara kwaSoromoni kwakapfuura kungwara kwavana vamabvazuva, nokungwara kwose kwavaIjipiti. Nokuti wakapfuura vanhu vose nokungwara; wakakunda Etani muEzirahi, naHemani, naKarikori, naDharidha, vana vaMahori; mukurumbira wake ukasvika kundudzi dzose dzakanga dzakavapoteredza. Wakataurawo shumo dzine zviuru zvitatu, uye nziyo dzake dzakasvika chiuru chimwe neshanu. Akataura zvemiti, kubva pamisidhari iri paRebhanoni kusvikira pamuhisopi unomera parusvingo; akataurawo zvemhuka, neshiri, nezvinokambaira, nehove. Vanhu vamarudzi ose vakauya kuzonzwa kungwara kwaSoromoni, vakabva kumadzimambo ose enyika, vakanga vanzwa zvokungwara kwake.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 4 SNA2002

1 Madzimambo 4:29-34 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mwari akapa Soromoni ungwaru nomwoyo unonzwisisa zvakanyanyisisa kwazvo noruzivo rwakawanda chaizvo sejecha romumahombekombe egungwa zvokuti ungwaru hwaSoromoni hwaipfuura ungwaru hwevanhu vose vokumabvazuva noungwaru hwose hwokuIjipiti. Uyezve akanga aine ungwaru kupinda munhu wose, kupfuura Etani vokwaEzira naHemani naKarikorai naDharidha vanakomana vaMahori. Akaenda mbiri munyika dzose dzaiva dzakapoteredza. Akaita tsumo zviuru zvitatu nenziyo chiuru chimwechete chine shanu. Aigona kukurukura nezvemiti kubvira kumushidhari uri kuRebhanoni kusvikira pakamuti komuhisopi kanomera pamadziro. Aikwanisawo kukurukura nezvemhuka neshiri nezvezvinozvova napasi uye nezvehove. Vanhu vaiuyako vachibva kundudzi dzose kuzonzwa ungwaru hwaSoromoni vachibvawo kumadzimambo ose apasi pano akanga anzwa nezvoungwaru hwake.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 4 SCLBD

1 Madzimambo 4:29-34 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Mŋari akapa Soromoni kuŋgwara nokunzwisisa kukuru, nomŋoyo wakaziʋa ɀakanaka, ɀakafanana nejeca riri pamhenderekedzo yeguŋgwa. Kuŋgwara kwaSoromoni kwakapfuʋura kuŋgwara kwaʋana ʋamabvazuʋa, nokuŋgwara kwose kwaʋaEgipita. Nokuti wakapfuʋura ʋanhu ʋose nokuŋgwara; wakakunda Etani muEzrahi, naHemani, naKarkori, naDarda, ʋana ʋaMahori; mukurumbira wake ukaȿika kundudzi dzose dzakaŋga dzakaʋapoteredza. Wakataura ʋo shumo dzineɀuru ɀitatu, ʋuye nziyo dzake dzakaȿika curu cimŋe neshanu. Akataura ɀemiti, kubva pamisidari iri paRebanoni kuȿikira pamuhisopi unomera paruȿiŋgo; akataura ʋo ɀemhuka, neshiri, neɀinokambaira, nehoʋe. Ʋanhu ʋamarudzi ose ʋakaʋuya kuzonzwa kuŋgwara kwaSoromoni, ʋakabva kumadzimambo ose enyika, ʋakaŋga ʋanzwa ɀokuŋgwara kwake.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 4 SUB1949

1 Madzimambo 4:29-34 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mwari akapa Soromoni ungwaru nomwoyo unonzwisisa zvakanyanyisisa kwazvo noruzivo rwakawanda chaizvo sejecha romumahombekombe egungwa zvokuti ungwaru hwaSoromoni hwaipfuura ungwaru hwevanhu vose vokumabvazuva noungwaru hwose hwokuIjipiti. Uyezve akanga aine ungwaru kupinda munhu wose, kupfuura Etani vokwaEzira naHemani naKarikorai naDharidha vanakomana vaMahori. Akaenda mbiri munyika dzose dzaiva dzakapoteredza. Akaita tsumo zviuru zvitatu nenziyo chiuru chimwechete chine shanu. Aigona kukurukura nezvemiti kubvira kumushidhari uri kuRebhanoni kusvikira pakamuti komuhisopi kanomera pamadziro. Aikwanisawo kukurukura nezvemhuka neshiri nezvezvinozvova napasi uye nezvehove. Vanhu vaiuyako vachibva kundudzi dzose kuzonzwa ungwaru hwaSoromoni vachibvawo kumadzimambo ose apasi pano akanga anzwa nezvoungwaru hwake.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 4 SCLB