Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 4

4
Makurukota namasadunhu aSoromoni
1Mambo Soromoni aitonga Isiraeri yose zvayo. 2Aiva makurukota ake ndeaya anoti:
Muprisiti aiva Azariya
mwanakomana waZadhoki
3samunyori ari Erihorefu naAhiya
vanakomana vaShisha
samunyori mukuru aiva Jehoshafati
mwanakomana waAhirudhi.
4Mutungamiri wehondo aiva Bhenaya
mwanakomana waJehoyadha
vamwe vapristi vaiva Zadhoki
naAbhiyatari.
5Mukuru mukuru wamasadunhu aiva Azariya
mwanakomana waNatani.
Jinda ramambo neshamwari yamambo aiva mupristi Zabhudhi
mwanakomana waNatani.
6Mukuru mukuru wapamuzinda wamambo
aiva Ahisha.
Mukuru mukuru webasa rechibharo
aiva Adoniramu mwanakomana waAbhudha.
7Soromoni aiva namasadunhu gumi namaviri
ndoaiva okuwanira chokudya
mambo navose vomumuzinda make.
Mumwe nomumwe aiva nebasa
rokuwanira mambo zvokudya kwomwedzi wose pagore.
8Mazita avo ndeaya, kwaiti:
Bhenihuri kunyika yokwaEfuraimu yemakomo
9Bhenidhekeri kuMakazishaaribhimu
nokuBhetishemeshi neEronibhetihanani
10Bhenihesedhi kuArubhoti sadunhu
wokuSoko noruwa rweHeferu rwose
11Bheniabhinadhabhu kuNafatidhori uyu
akanga akaroora Tafati mukunda waSoromoni
12Bhaana mwanakomana waAhirudhi sadunhu
wokuTaanaki nokuMegidho nokuBhetishani
yose pedyo nokuZaretani
kumaodzanyemba kweJezirieri,
kubvira kuBhetishani kundosvika
kuAbherimehora kundoyambukira kuJokimeamu
13Abherimehora sadunhu wokuRamatigireadhi
nemisha yomuGireadhi yevemhuri
yokwaJairi mwanakomana
wokwaManase noruwa rwose
rwokwaArigobhu kuBhashani
namaguta aro makuru makumi
matanhatu ane tsvingo ane
zvihuri zvemisuo mikuru zvendarira
14Abhinadhabhu mwanakomana waIdho
sadunhu wokuMahanaimu
15Ahimaazi sadunhu wokwaNafutari
(uyu akanga akaroorawo
mukunda waSoromoni, Bhasimati)
16Bhaana mwanakomana waHushai
sadunhu wokwaAsheri nokuAroti
17Jehoshafati mwanakomana waParua
sadunhu wokwaIsakari
18Shimei mwanakomana waEra
sadunhu wokwaBhenjamini
19Gebheri mwanakomana waUri
sadunhu wokuGireadhi
nyika yaSihoni
mambo wavaAmori
nenyika yaOgu
mambo weBhashani
ndiye oga aiva sadunhu.
Mukurumbira wokutonga kwaSoromoni
20VokwaJudha nevokwaIsiraeri vaiva vakawanda sejecha romumahombekombe egungwa. Vaidya vachinwa upenyu huchivafadza. 21Soromoni aitonga nyika dzose kubvira muna Yufuratesi kusvikira kunyika yevaFirisitia nokumuganhu weIjipiti. Vaitera mutero vachishandira Soromoni upenyu hwake hwose.
22Pazuva, kwaSoromoni kwaidiwa zvokudya zvakadai izvi, kwaiti:
makumi mashanu amasaga oupfu hwekoroni
hwakatsetseka, nezana ramasaga oupfu
23nemombe gumi dzakakodzwa nedzimwe mombe
makumi maviri uye mbudzi nehwai zana kwouyawo
nondo nemhara nemhembwe nehuku dzakakodzwa.
24Chaidariso ndechokuti aitonga dunhu rose rokumadokero kwaYufuratesi kubvira kuTifusa kusvikira kuGaza achitonga madzimambo ose kumadokero aYufuratesi aine runyararo mativi ose akanga akamupoteredza. 25Panguva yose yaSoromoni kwaJudha nokwaIsiraeri kwakanga kuine runyararo kubvira kwaDhani kundosvika kuBheerishebha munhu wose ari pamutambarakede pamuvhaini nepamukuyu wake.
26Soromoni aivawo notumatanga twemabhiza zviuru makumi mana navachairi vawo zviuru gumi nezviviri. 27Masadunhu aye aye ndiwo aiwanira mambo Soromoni zvokudya nevose vaidya pamwechete namambo Soromoni pateburu yake, mumwe nomumwe mwedzi wake, ndiwowo aiwona kuti hapana here chiri kushayikwa. 28Vaiunzawo bhari nemashanga amabhiza namanyurusi kwazvainge zvanzi zviunganidzirwe maererano nezvirongwa zvasadunhu woga woga.
29Mwari akapa Soromoni ungwaru nomwoyo unonzwisisa zvakanyanyisisa kwazvo noruzivo rwakawanda chaizvo sejecha romumahombekombe egungwa 30zvokuti ungwaru hwaSoromoni hwaipfuura ungwaru hwevanhu vose vokumabvazuva noungwaru hwose hwokuIjipiti. 31Uyezve akanga aine ungwaru kupinda munhu wose, kupfuura Etani vokwaEzira naHemani naKarikorai naDharidha vanakomana vaMahori. Akaenda mbiri munyika dzose dzaiva dzakapoteredza. 32Akaita tsumo zviuru zvitatu nenziyo chiuru chimwechete chine shanu. 33Aigona kukurukura nezvemiti kubvira kumushidhari uri kuRebhanoni kusvikira pakamuti komuhisopi kanomera pamadziro. Aikwanisawo kukurukura nezvemhuka neshiri nezvezvinozvova napasi uye nezvehove. 34Vanhu vaiuyako vachibva kundudzi dzose kuzonzwa ungwaru hwaSoromoni vachibvawo kumadzimambo ose apasi pano akanga anzwa nezvoungwaru hwake.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Madzimambo 4: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda