Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 4:1-34

1 Madzimambo 4:1-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Saka Mambo Soromoni akanga ari mambo weIsraeri yose. Ava ndivo vaiva machinda ake: Azaria mwanakomana waZadhoki aiva muprista; Erihorefi naAhija, vanakomana vaShisha vaiva vanyori; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi aiva munyori wenhoroondo dzenyika; Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva mutungamiri wamauto; Zadhoki naAbhiatari vaiva vaprista; Azaria mwanakomana waNatani aiva mukuru wavatariri; Zabhudhi mwanakomana waNatani aiva muprista neshamwari yamambo; Ahishari aiva mutariri womuzinda wamambo; Adhoniramu, mwanakomana waAbhudha aiva mutariri wechibharo. Soromoni aivawo namachinda gumi navaviri veIsraeri yose vaitsvakira mambo neimba yake zvokudya. Mumwe nomumwe aifanira kutsvaka zvokudya zvomwedzi mumwe chete pagore. Mazita avo aiti: Bheni-Huri, munyika yamakomo yaEfuremu; Bheni-Dhekeri munyika yeMakazi, Shaaribhimu, Bheti Shemeshi neEroni Bhetihanani; Bheni-Hesedhi muArubhoti (Soko nenyika yose yeHeferi dzaiva dzake). Bheni-Abhinadhabhi, munyika yeNafoti Dhori (aiva awana mwanasikana waSoromoni); Bhaana, mwanakomana waAhirudhi munyika yeTaanaki, Megidho nenyika yose yeBhetisheani iyo iri parutivi peZaretani, zasi kweJezireeri, kubva kuBhetisheani kusvika kuAbherimehora mhiri kweJokomeami; Bheni-Gebheri munyika yeRamoti Gireadhi (misha yaJairi, mwanakomana waManase munyika yeGireadhi yaiva yake, pamwe chete nedunhu reArigobhi munyika yeBhashani namaguta aro makuru makumi matanhatu aiva namasvingo ane masuo endarira); Ahinadhabhi mwanakomana waIdho, munyika yeMahanaimi; Ahimaazi, munyika yaNafutari (akanga awana Bhasemati mwanasikana waSoromoni); Bhaana mwanakomana waHushai, munyika yaAsheri neAroti; Jehoshafati mwanakomana waParua, munyika yaIsakari; Shimei mwanakomana waEra, munyika yaBhenjamini; Gebheri mwanakomana waUri, munyika yeGireadhi (nyika yaSihoni mambo wavaAmori nenyika yaOgi mambo weBhashani). Ndiye aiva mubati oga mudunhu iri. Vanhu veJudha neIsraeri vakanga vakawanda sejecha ramahombekombe egungwa; vakadya, vakanwa uye vakafara. Soromoni akanga ari mambo munyika dzose dzaibva kuYufuratesi kusvikira kunyika yavaFiristia, nokumuganhuwo weIjipiti. Nyika idzi dzakauya nomutero uye dzakashandira Soromoni mazuva ose oupenyu hwake. Zvokudya zvomuzinda waSoromoni zvezuva nezuva zvaiva zviyero makumi matatu zvefurawa yakatsetseka nezviyero makumi matanhatu zvoupfu, mombe gumi dzakakodzwa, nemombe makumi maviri dzokumafuro, makwai zana, pasingaverengerwi nondo, mhara, mhembwe nehuku dzakakodzwa. Nokuti aitonga nyika dzose dziri kumadokero kwerwizi rweYufuratesi kubva kuTifisa kusvikira kuGaza, uye akava norugare kumativi ose. Pamazuva oupenyu hwaSoromoni vaJudha navaIsraeri vaigara zvakanaka, kubvira kuDhani kusvikira kuBheerishebha, mumwe nomumwe pasi pomuti wake wamazambiringa nowamaonde. Soromoni aivawo nezvidyiro zvamabhiza engoro dzake zviuru makumi mana navatasvi vamabhiza zviuru gumi nezviviri. Vatariri vakatsvakira Mambo Soromoni navose vaiuya kuzodya naMambo Soromoni patafura yake zvokudya, mumwe nomumwe mumwedzi wake. Vakaona kuti hapana chaishayikwa. Vakauyawo nebhari nouswa hwamabhiza engoro namamwewo mabhiza kunzvimbo dzezvaidiwa, mumwe nomumwe zvaakatarirwa. Mwari akapa Soromoni uchenjeri, nokunzwisisa kukuru sejecha rapamahombekombe egungwa. Uchenjeri hwaSoromoni hwakanga hwakapfuura uchenjeri hwavanhu vose vokumabvazuva, nouchenjeri hwose hwokuIjipiti. Akanga akachenjera kupfuura vamwe vose; akachenjera kupfuura Etani muEzrahi, Hemani, Karikori, naDharidha, vanakomana vaMahori. Mukurumbira wake wakapararira kunyika dzose dzakapoteredza. Akataura zvirevo zviuru zvitatu, uye dzimbo dzake dzaikwana chiuru neshanu. Akatsanangura makuriro emiti, kubvira kumusidhari weRebhanoni kusvikira kumihisopi inokura mumadziro. Akadzidzisawo pamusoro pemhuka, shiri, zvinokambaira nehove. Vanhu vakauya vachibva kunyika dzose kuti vazonzwa uchenjeri hwaSoromoni; vakauya vachitumwa namadzimambo ose enyika akanga anzwa nezvouchenjeri hwake.

1 Madzimambo 4:1-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino mambo Soromoni wakanga ari mambo wavaIsiraeri vose. Ndiwo machinda aiva nawo: Azaria mwanakomana waZadhoki waiva mupristi; Erihorefi naAhija, vanakomana vaShisha, vaiva vanyori; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva sahwira. Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, waiva mukuru wehondo, Zadhoki naAbhiatari vaiva vapristi; Azaria mwanakomana waNatani, waiva mukuru wavatariri; Zabhudhi mwanakomana waNatani waiva mupristi, shamwari yamambo. Abhishari waiva mutariri weimba; Adhoniramu mwanakomana waAbhidha, waiva mutariri wechibharo. Soromoni waiva navatariri vane gumi navaviri vairaira vaIsiraeri vose, vaitsvakira mambo neimba yake zvokudya; mumwe nomumwe waifanira kutsvaka zvokudya zvomwedzi mumwe gore rimwe nerimwe. Ndiwo mazita avo: Bhehuri, munyika yamakomo yaEfuremu; naBhenedhekeri paMakazi, napaSharibhimi, neBhetishemeshi, neEronibhetihananai; naBhenihesedhi paArubhoti; iye wakanga ane Shoko, nenyika yose yeHeferi; naBheniabhinadhabhi panyika yose yeDhori; mukadzi wake wakanga ari Tafati, mukunda waSoromoni; naBhaana mwanakomana waAhirudhi, paTaanaki neMegidho, nenyika yose yeBhetisheani, iri parutivi rweZaretani, pazasi peJezereri, kubva paBhetisheani kusvikira paAbherimehora seri kweJokimeami; naBhenigebheri paRamotigireadhi; iye wakanga ane misha yaJairi, mwanakomana waManase, yaiva paGireadhi; iye wakanga ane nyika yeArigobhi, iri paBhashani, maguta makumi matanhatu aiva namasvingo namazariro endarira; naAhinadhabhi mwanakomana waIdho, paMahanaimi; naAhimaazi paNafitari; iye wakanga awanawo Bhasemati mukunda waSoromoni; naBhaana mwanakomana waHushai, paAsheri neBhearoti; naJosafati mwanakomana waParua, paIsakari; naShimei mwanakomana waEra, paBhenjamini; naGebheri mwanakomana waUri, waiva panyika yeGireadhi, nyika yaSihoni, mambo wavana vaAmori neyaOgi, mambo weBashani; iye wakanga ari mutariri mumwe woga panyika iyo. VaJudha navaIsiraeri vakanga vari vazhinji, vakanga vakawanda sejecha pagungwa, vakadya, vakanwa, vakafara. Zvino Soromoni wakabata ushe hwose, kubva paRwizi kusvikira kunyika yavaFirisitia, nokusvikira kumuganhu weIjipiti; vanhu vakauya nezvipo, vakashumira Soromoni mazuva ose oupenyu hwake. Zvokudya zvaSoromoni zvezuva rimwe zvaiva zviyero zvina makumi matatu zvoupfu hwakatsetseka nezviyero zvina makumi matanhatu zvoupfu; nenzombe dzina makumi maviri dzokumafuro, namakwai ane zana, nenondo, nemhara, nemhembwe, neshiri dzakakodzwa. Nokuti wakabata ushe panyika yose nechokuno kwoRwizi, kubva paTifisa kusvikira paGaza, namadzimambo ose aiva nechokuno kwoRwizi; akava norugare kunhivi dzose dzakanga dzakamupoteredza. VaJudha navaIsiraeri vakanga vagere zvakanaka, mumwe nomumwe pasi pomudzambiringa wake napasi pomuwonde wake, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha, mazuva ose aSoromoni. Soromoni wakanga ane zvidyiro zvine zviuru zvina makumi mana zvamabhiza engoro dzake, navatasvi vane zviuru zvine gumi nezviviri. Vatariri ava vaitsvakira mambo Soromoni zvokudya, navose vaidya patafura yamambo Soromoni, mumwe nomumwe nomwedzi wake; havana kushaisa chinhu chimwe. Nebhari nouswa hwamabhiza namabhiza aimhanyisa vakauya nazvo panzvimbo yakafanira, mumwe nomumwe sezvaakanga arairwa. Mwari akapa Soromoni kungwara nokunzwisisa kukuru, nomwoyo wakaziva zvakanaka, zvakafanana nejecha riri pamhenderekedzo yegungwa. Kungwara kwaSoromoni kwakapfuura kungwara kwavana vamabvazuva, nokungwara kwose kwavaIjipiti. Nokuti wakapfuura vanhu vose nokungwara; wakakunda Etani muEzirahi, naHemani, naKarikori, naDharidha, vana vaMahori; mukurumbira wake ukasvika kundudzi dzose dzakanga dzakavapoteredza. Wakataurawo shumo dzine zviuru zvitatu, uye nziyo dzake dzakasvika chiuru chimwe neshanu. Akataura zvemiti, kubva pamisidhari iri paRebhanoni kusvikira pamuhisopi unomera parusvingo; akataurawo zvemhuka, neshiri, nezvinokambaira, nehove. Vanhu vamarudzi ose vakauya kuzonzwa kungwara kwaSoromoni, vakabva kumadzimambo ose enyika, vakanga vanzwa zvokungwara kwake.

1 Madzimambo 4:1-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mambo Soromoni aitonga Isiraeri yose zvayo. Aiva makurukota ake ndeaya anoti: Muprisiti aiva Azariya mwanakomana waZadhoki samunyori ari Erihorefu naAhiya vanakomana vaShisha samunyori mukuru aiva Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi. Mutungamiri wehondo aiva Bhenaya mwanakomana waJehoyadha vamwe vapristi vaiva Zadhoki naAbhiyatari. Mukuru mukuru wamasadunhu aiva Azariya mwanakomana waNatani. Jinda ramambo neshamwari yamambo aiva mupristi Zabhudhi mwanakomana waNatani. Mukuru mukuru wapamuzinda wamambo aiva Ahisha. Mukuru mukuru webasa rechibharo aiva Adoniramu mwanakomana waAbhudha. Soromoni aiva namasadunhu gumi namaviri ndoaiva okuwanira chokudya mambo navose vomumuzinda make. Mumwe nomumwe aiva nebasa rokuwanira mambo zvokudya kwomwedzi wose pagore. Mazita avo ndeaya, kwaiti: Bhenihuri kunyika yokwaEfuraimu yemakomo Bhenidhekeri kuMakazishaaribhimu nokuBhetishemeshi neEronibhetihanani Bhenihesedhi kuArubhoti sadunhu wokuSoko noruwa rweHeferu rwose Bheniabhinadhabhu kuNafatidhori uyu akanga akaroora Tafati mukunda waSoromoni Bhaana mwanakomana waAhirudhi sadunhu wokuTaanaki nokuMegidho nokuBhetishani yose pedyo nokuZaretani kumaodzanyemba kweJezirieri, kubvira kuBhetishani kundosvika kuAbherimehora kundoyambukira kuJokimeamu Abherimehora sadunhu wokuRamatigireadhi nemisha yomuGireadhi yevemhuri yokwaJairi mwanakomana wokwaManase noruwa rwose rwokwaArigobhu kuBhashani namaguta aro makuru makumi matanhatu ane tsvingo ane zvihuri zvemisuo mikuru zvendarira Abhinadhabhu mwanakomana waIdho sadunhu wokuMahanaimu Ahimaazi sadunhu wokwaNafutari (uyu akanga akaroorawo mukunda waSoromoni, Bhasimati) Bhaana mwanakomana waHushai sadunhu wokwaAsheri nokuAroti Jehoshafati mwanakomana waParua sadunhu wokwaIsakari Shimei mwanakomana waEra sadunhu wokwaBhenjamini Gebheri mwanakomana waUri sadunhu wokuGireadhi nyika yaSihoni mambo wavaAmori nenyika yaOgu mambo weBhashani ndiye oga aiva sadunhu. VokwaJudha nevokwaIsiraeri vaiva vakawanda sejecha romumahombekombe egungwa. Vaidya vachinwa upenyu huchivafadza. Soromoni aitonga nyika dzose kubvira muna Yufuratesi kusvikira kunyika yevaFirisitia nokumuganhu weIjipiti. Vaitera mutero vachishandira Soromoni upenyu hwake hwose. Pazuva, kwaSoromoni kwaidiwa zvokudya zvakadai izvi, kwaiti: makumi mashanu amasaga oupfu hwekoroni hwakatsetseka, nezana ramasaga oupfu nemombe gumi dzakakodzwa nedzimwe mombe makumi maviri uye mbudzi nehwai zana kwouyawo nondo nemhara nemhembwe nehuku dzakakodzwa. Chaidariso ndechokuti aitonga dunhu rose rokumadokero kwaYufuratesi kubvira kuTifusa kusvikira kuGaza achitonga madzimambo ose kumadokero aYufuratesi aine runyararo mativi ose akanga akamupoteredza. Panguva yose yaSoromoni kwaJudha nokwaIsiraeri kwakanga kuine runyararo kubvira kwaDhani kundosvika kuBheerishebha munhu wose ari pamutambarakede pamuvhaini nepamukuyu wake. Soromoni aivawo notumatanga twemabhiza zviuru makumi mana navachairi vawo zviuru gumi nezviviri. Masadunhu aye aye ndiwo aiwanira mambo Soromoni zvokudya nevose vaidya pamwechete namambo Soromoni pateburu yake, mumwe nomumwe mwedzi wake, ndiwowo aiwona kuti hapana here chiri kushayikwa. Vaiunzawo bhari nemashanga amabhiza namanyurusi kwazvainge zvanzi zviunganidzirwe maererano nezvirongwa zvasadunhu woga woga. Mwari akapa Soromoni ungwaru nomwoyo unonzwisisa zvakanyanyisisa kwazvo noruzivo rwakawanda chaizvo sejecha romumahombekombe egungwa zvokuti ungwaru hwaSoromoni hwaipfuura ungwaru hwevanhu vose vokumabvazuva noungwaru hwose hwokuIjipiti. Uyezve akanga aine ungwaru kupinda munhu wose, kupfuura Etani vokwaEzira naHemani naKarikorai naDharidha vanakomana vaMahori. Akaenda mbiri munyika dzose dzaiva dzakapoteredza. Akaita tsumo zviuru zvitatu nenziyo chiuru chimwechete chine shanu. Aigona kukurukura nezvemiti kubvira kumushidhari uri kuRebhanoni kusvikira pakamuti komuhisopi kanomera pamadziro. Aikwanisawo kukurukura nezvemhuka neshiri nezvezvinozvova napasi uye nezvehove. Vanhu vaiuyako vachibva kundudzi dzose kuzonzwa ungwaru hwaSoromoni vachibvawo kumadzimambo ose apasi pano akanga anzwa nezvoungwaru hwake.

1 Madzimambo 4:1-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino mambo Soromoni wakaŋga ari mambo waʋaIsraeri ʋose. Ndiwo macinda aaiʋa nawo: Azaria mŋanakomana waZadoki waiʋa muprista; Erihorefi naAhija, ʋanakomana ʋaShisha, ʋaiʋa ʋanyori; Jehoshafati mŋanakomana waAhirudi waiʋa sahwira. Benaya mŋanakomana waJehoyada, waiʋa mukuru wehondo, Zadoki naAbiatari ʋaiʋa ʋaprista; Azaria mŋanakomana waNatani, waiʋa mukuru waʋatariri; Zabudi mŋanakomana waNatani waiʋa nheʋanji, shamŋari yamambo. Ahishari waiʋa mutariri weimba; Adonirami mŋanakomana waAbda, waiʋa mutariri wecibaro. Soromoni waiʋa naʋatariri ʋanegumi naʋaʋiri ʋairaira ʋaIsraeri ʋose, ʋaitȿakira mambo neimba yake ɀokudya; mumŋe nomumŋe waifanira kutȿaka ɀokudya ɀomŋedzi mumŋe gore rimŋe nerimŋe. Ndiwo mazita aʋo: Beni‐huri, munyika yamakomo yaEfraimi; naBeni‐dekeri paMakazi, napaShaarbimi, neBeti‐shemeshi, neEroni‐betihanani; naBeni‐hesedi paAruboti; iye wakaŋga aneSoko, nenyika yose yeHeferi; naBeni‐abinadabi panyika yose yeDori; mukadzi wake wakaŋga ari Tafati, mukunda waSoromoni; naBaana mŋanakomana waAhirudi, paTaanaki neMegido, nenyika yose yeBeti‐sheani, iri parutiʋi rweZaretani, pazasi peJezreeri, kubva paBeti‐sheani kuȿikira paAberi‐mehora seri kweJokmeami; naBeni‐geberi paRamoti‐gireadi; iye wakaŋga anemisha yaJairi, mŋanakomana waManase, yaiʋa paGireadi; iye wakaŋga anenyika yeArgobi, iri paBashani, maguta makumi matanhatu aiʋa namaȿiŋgo namazariro endarira; naAhinadabi mŋanakomana waIdo, paMahanaimi; naAhimaazi paNaftari; iye wakaŋga awana ʋo Basemati mukunda waSoromoni; naBaana mŋanakomana waHushai, paAsheri neBearoti; naJosafati mŋanakomana waParua, paIsakari; naShimei mŋanakomana waEra, paBenjamini; naGeberi mŋanakomana waUri, waiʋa panyika yeGireadi, nyika yaSihoni, mambo waʋana ʋaAmori neyaOgi, mambo weBashani; iye wakaŋga ari mutariri mumŋe woga panyika iyo. ƲaJuda naʋaIsraeri ʋakaŋga ʋari ʋazhinji, ʋakaŋga ʋakawanda sejeca paguŋgwa, ʋakadya, ʋakanwa, ʋakafara. Ɀino Soromoni wakaɓata ʋushe bgose, kubva paRwizi kuȿikira kunyika yaʋaFiristia, nokuȿikira kumuganho weEgipita; ʋanhu ʋakaʋuya neɀipo, ʋakashumira Soromoni mazuʋa ose oʋupenyu bgake. Ɀokudya ɀaSoromoni ɀezuʋa rimŋe ɀaiʋa ɀiyero ɀinamakumi matatu ɀoʋupfu bgakatsetseka, neɀiyero ɀinamakumi matanhatu ɀoʋupfu; nenzombe dzakakora dzinegumi, nenzombe dzinamakumi maʋiri dzokumafuro, namakwai anezana, nenondo, nemhara, nemhembge, neshiri dzakakodzwa. Nokuti wakaɓata ʋushe panyika yose necoʋuno kwoRwizi, kubva paTifsa kuȿikira paGaza, namadzimambo ose aiʋa necoʋuno kwoRwizi; akaʋa norugare kunhiʋi dzose dzakaŋga dzakamupoteredza. ƲaJuda naʋaIsraeri ʋakaŋga ʋagere ɀakanaka, mumŋe nomumŋe pasi pomuzambiriŋga wake napasi pomuʋonde wake, kubva paDani kuȿikira paBeeri‐sheba, mazuʋa ose aSoromoni. Soromoni wakaŋga aneɀidyiro ɀineɀuru ɀinamakumi manna ɀamabiza eŋgoro dzake, naʋataȿi ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri. Ʋatariri aʋa ʋaitȿakira mambo Soromoni ɀokudya, naʋose ʋaidya patafura yamambo Soromoni, mumŋe nomumŋe nomŋedzi wake; haʋana‐kushaisa cinhu cimŋe. Nebari noʋuswa bgamabiza namabiza aimhanyisa ʋakaʋuya naɀo panɀimbo yakafanira, mumŋe nomumŋe seɀaakaŋga arairwa. Mŋari akapa Soromoni kuŋgwara nokunzwisisa kukuru, nomŋoyo wakaziʋa ɀakanaka, ɀakafanana nejeca riri pamhenderekedzo yeguŋgwa. Kuŋgwara kwaSoromoni kwakapfuʋura kuŋgwara kwaʋana ʋamabvazuʋa, nokuŋgwara kwose kwaʋaEgipita. Nokuti wakapfuʋura ʋanhu ʋose nokuŋgwara; wakakunda Etani muEzrahi, naHemani, naKarkori, naDarda, ʋana ʋaMahori; mukurumbira wake ukaȿika kundudzi dzose dzakaŋga dzakaʋapoteredza. Wakataura ʋo shumo dzineɀuru ɀitatu, ʋuye nziyo dzake dzakaȿika curu cimŋe neshanu. Akataura ɀemiti, kubva pamisidari iri paRebanoni kuȿikira pamuhisopi unomera paruȿiŋgo; akataura ʋo ɀemhuka, neshiri, neɀinokambaira, nehoʋe. Ʋanhu ʋamarudzi ose ʋakaʋuya kuzonzwa kuŋgwara kwaSoromoni, ʋakabva kumadzimambo ose enyika, ʋakaŋga ʋanzwa ɀokuŋgwara kwake.

1 Madzimambo 4:1-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)