1 VaKorinde 7:32-34
1 VaKorinde 7:32-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndinoda kuti murege kuva nokufunganya. Asina kuwana, anofunga zvaIshe, kuti angafadza Ishe wake sei. Asi akawana, anofunga zvenyika, kuti angafadza mukadzi wake sei. Nomukadzi asina kuwanikwa nemhandara anofunga zvaIshe, kuti ave mutsvene pamuviri napamweya; asi akawanikwa anofunga zvenyika, kuti angafadza murume wake sei.
1 VaKorinde 7:32-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinoda kuti murege kuva nokufunganya. Murume asina kuwana anofunga zvaShe, kuti angafadza Ishe sei. Asi murume akawana anofunga pamusoro pezvinhu zvenyika ino, kuti angafadza mukadzi wake sei, uye zvaanoda zvakapatsanurwa. Mukadzi asina kuwanikwa kana mhandara anofunga nezvaShe: Chinangwa ndechokuzvipira kuna She panyama napamweya. Asi mukadzi akawanikwa anofunga zvenyika ino kuti angafadza murume wake sei.
1 VaKorinde 7:32-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndinoda kuti murege kuva nokufunganya. Asina kuwana, anofunga zvaIshe, kuti angafadza Ishe wake sei. Asi akawana, anofunga zvenyika, kuti angafadza mukadzi wake sei. Nomukadzi asina kuwanikwa nemhandara anofunga zvaIshe, kuti ave mutsvene pamuviri napamweya; asi akawanikwa anofunga zvenyika, kuti angafadza murume wake sei.
1 VaKorinde 7:32-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndingade kuti pasave nechinokushungurudzai mumwoyo. Murume asina kuroora ane shungu nezvaTenzi kuti angafadze Tenzi sei. Asi murume akaroora mwoyo wake uri kune zvapanyika kuti angafadze mudzimai wake sei. Munhu ane mwoyo miviri. Mukadzi asina kuroorwa kana kuti mhandara, ano shungu nezvaTenzi kuti ave mutsvene mumuviri nomumweya. Asi mukadzi akaroorwa mwoyo wake uri kune zvenyika kuti angafadze sei murume wake.
1 VaKorinde 7:32-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndinoɗa kuti murege kuʋa nokufuŋganya. Usina‐kuwana, unofuŋga ɀaShe, kuti uŋgafadza Ishe wake sei. Asi wakawana, unofuŋga ɀenyika, kuti uŋgafadza mukadzi wake sei. Nomukadzi nemhandara ʋakasiyana; usina‐kuwanikwa unofuŋga ɀaShe, kuti aʋe mutȿene pamuʋiri napamŋeya; asi wakawanikwa unofuŋga ɀenyika, kuti uŋgafadza murume wake sei.
1 VaKorinde 7:32-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)