Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I ƲaKorinte 7:32-34

I ƲaKorinte 7:32-34 SUB1949

Ɀino ndinoɗa kuti murege kuʋa nokufuŋganya. Usina‐kuwana, unofuŋga ɀaShe, kuti uŋgafadza Ishe wake sei. Asi wakawana, unofuŋga ɀenyika, kuti uŋgafadza mukadzi wake sei. Nomukadzi nemhandara ʋakasiyana; usina‐kuwanikwa unofuŋga ɀaShe, kuti aʋe mutȿene pamuʋiri napamŋeya; asi wakawanikwa unofuŋga ɀenyika, kuti uŋgafadza murume wake sei.