1 Makoronike 23:1-5
1 Makoronike 23:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Dhavhidhi paakanga akwegura ava namakore mazhinji, akaita kuti mwanakomana wake Soromoni ave mambo pamusoro peIsraeri. Akaunganidzawo vatungamiri vose veIsraeri pamwe chete navaprista navaRevhi. VaRevhi vose vana makore makumi matatu zvichienda mberi vakaverengwa, uye varume vose vakasvika zviuru makumi matatu nezvisere. Dhavhidhi akati, “Pane ava, zviuru makumi maviri nezvina vachava vatariri vebasa rokuvakwa kwetemberi yaJehovha uye zviuru zvitanhatu vachava vakuru navatongi. Zviuru zvina vachava vachengeti vamasuo uye zviuru zvina vacharumbidza Jehovha nezviridzwa zvandakapa nokuda kwechikonzero ichi.”
1 Makoronike 23:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Dhavhidhi akanga akwegura, ava namazuva mazhinji; akaita Soromoni mwanakomana wake mambo waIsiraeri. Akaunganidza machinda ose aIsiraeri pamwechete navapristi navaRevhi. VaRevhi vakaverengwa vanamakore makumi matatu navakapfuura ipapo; pakuwanda kwavo, vachiverengwa musoro womurume mumwe nomumwe, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezvisere. Pakati pavo vane zviuru zvina makumi maviri nezvina vaitarira mabasa eimba yaJehovha; vane zviuru zvitanhatu vaiva vatariri navatongi; vane zviuru zvina vaiva vatariri vemikova; vane zviuru zvina vairumbidza Jehovha nezvokuridza zvandakaita (ndizvo zvakareva Dhavhidhi) kuti arumbidzwe nazvo.
1 Makoronike 23:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dhavhidhi paakanga zvino akwegura mazuva ake aendadzanawo kwazvo, akagadza mwanakomana wake Soromoni umambo hweIsiraeri. Dhavhidhi akaunganidza vatungamiriri vose veIsiraeri navapristi nevaRevhi. Kwakaverengwa vokwaRevhi, kubvira pane vane makumi matatu amakore zvichikwira pakaita makumi matatu ezviuru zvavarume ane zviuru zvisere. Dhavhidhi akati, “Makumi maviri ezviuru ane zviuru zvina zvaivava ava ngavave vokuona nezvebasa repamba yaTenzi, zviuru zvitanhatu vova vakuru vakuru navatongi, zviuruwo zvina vave vachengetedzi vokumisuo mikuru, vamwe zviuru zvinawo vari vokurumbidza Tenzi nezvokuridzisa mumhanzi zvandakagadzirira kurumbidza.”
1 Makoronike 23:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Davidi wakaŋga akwegura, aʋa namazuʋa mazhinji; akaita Soromoni mŋanakomana wake mambo waIsraeri. Akaʋuŋganidza macinda ose aIsraeri pamne cete naʋaprista naʋaRevi. ƲaRevi ʋakaʋereŋgwa ʋanamakore makumi matatu naʋakapfuʋura ipapo; pakuwanda kwaʋo, ʋaciʋereŋgwa musoro womurume mumŋe nomumŋe, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matatu neɀisere. Pakati paʋo ʋaneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna ʋaitarira maɓasa eimba yaJehova; ʋaneɀuru ɀitanhatu ʋaiʋa ʋatariri naʋatoŋgi; ʋaneɀuru ɀinna ʋaiʋa ʋatariri ʋemikoʋa; ʋaneɀuru ɀinna ʋairumbidza Jehova neɀokuridza ɀandakaita (ndiɀo ɀakareʋa Davidi) kuti arumbidzwe naɀo.
1 Makoronike 23:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)