Dhavhidhi paakanga akwegura ava namakore mazhinji, akaita kuti mwanakomana wake Soromoni ave mambo pamusoro peIsraeri. Akaunganidzawo vatungamiri vose veIsraeri pamwe chete navaprista navaRevhi. VaRevhi vose vana makore makumi matatu zvichienda mberi vakaverengwa, uye varume vose vakasvika zviuru makumi matatu nezvisere. Dhavhidhi akati, “Pane ava, zviuru makumi maviri nezvina vachava vatariri vebasa rokuvakwa kwetemberi yaJehovha uye zviuru zvitanhatu vachava vakuru navatongi. Zviuru zvina vachava vachengeti vamasuo uye zviuru zvina vacharumbidza Jehovha nezviridzwa zvandakapa nokuda kwechikonzero ichi.”
Verenga chikamu 1 Makoronike 23
Terera ku 1 Makoronike 23
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Makoronike 23:1-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo