Mariko 6
6
Jesu Anorambiwa paNazareta
(Mateo 13:53-58; Ruka 4:16-30)
1Jesu adobirika pakarepo achienda kuguta raadokurira, vadzidzi vache vadomutevera. 2Zvino pazuva roSabata adothanga kudzidzisa musinagoge. Vazinji vadomunzva vadoshamisika. Vadoti, “Anga iyeyu adowana poi zvinhu zvakarezvi? Uchenjeri hupi ihwohu hwaadopasiwa zvokuti anotoita mabasa makuru yadodai? 3Iyeyu muveziba nai, mwanakomana waMariya, mukoma waJakobho, nowaJosefa, nowaJudhasi, nowaSimoni? Kana hanzvadzi dzache tinadzoba ipopano nai?” Vadobva vaita chisembu naye.
4Asi Jesu adoti kwavari, “Muporofiti haasaye kukudziwa kusiya kwomunyika yache, nomuhama dzache, nomumba mache basi.”
5Nokudaro haanai kudzoita mabasa yosimba makaremo kusara kwokundoturika maoko pavahwere vashomanana vaadoporesa. 6Zvino adoshamisika, nokusaya kutenda kwavo. Saka adotenderera muimwe misha achidzidzisa.
Jesu Anotuma Vanogumi Novairi
(Mateo 10:5-15; Ruka 9:1-6)
7Zvino adodaidza vadzidzi gumi novairi ndokuvatuma vairi vairi, adovapasa masimba pamusoro pomweya idoipa. 8Adovaraira kuti vareke kutakura chinhu: mazingwa, homwe kana mari muzvikwama zvavo, kusiya kwotsvimbo. 9Asi kuti vapfeke shangu, uye vareke kutakura mbacha dzokuchinja. 10Pakamu adoti kwavari, “Pamumba pamunenge matambihwa, garai mumba makaremo kusvikira mabirika paguta rakarero. 11Pamusha wamunenge musinai kutambihwa, kana mava kubirika kuhumurai pfumbi ropanzvimbo yakareyo ribirike patsoka dzenyu ridzopfakaza richivaroverera.
12Saka vadoenda vachiparidzira vanhu kuti vapinduke. 13Vadodzinga mweya idoipa mizinji nokuzora mapfuta vahwere vazinji vachivaporesa.
Kupfa kwaJohwani Muombeki
(Mateo 14:1-12; Ruka 9:7-9)
14Mambo Herudhe andipasi paadonzva nozvaJesu, nokuti zita rache ranga rapararira kwese, iye novamwe vadoti, “NdiJohwani Muombeki adopfa wakareyu, wamuka, saka ndiye ari kuita mabasa iyoya yosimba.”
15Vamwe ndivo vaiti, “NdiEriya,”
vamwewo vachiti, “Anondovawo umwe muporofiti adofanana novokare.”
16Herudhe adoti, “Neye, ndiJohwani wakareyu wandidogwata musoro, adomuka kamu.” 17Ndava Herudhe pachake adotuma mauto kosunga nokuvharira Johwani mutorongo nondava yaHerodhiyasi mukadzi womunin'ina wache Firipi waanga watora. 18Sezvo Johwani waigara achiti, “Mukho kuti utore mukadzi womunin'ina wako.
19Izvozvo zvidoita kuti Herodhiyasi aite hwiranhaka naye, zvokutoda kumubaya, asi wanga asingagone. 20Nokuti Herudhe waicha Johwani achiziva kuti adorurama pakamu mutsvene, saka waimudzivirira. Herudhe waifarira kumunzva asi zvidodaipo waitenderedzewa musoro nokutaura kwaJohwani.
21Padosvika zuva rokuzvahwa kwaHerudhe adoitira mabiko vakuru vohurumende, vakuru vohondo nonzvahwa dzomuGaririya dzairemekedzewa. 22Pakarepo mwanasikana waHerodhiyasi adotamba zvidofadza Herudhe novaadokoka vese. Ipopo mambo adoti kumusikana, “Ndikumbire chese chaunoda, ndichakupfupira chakarecho.” 23Adovimbisa nokupika kuti, “Ndinokupfupira chese chawada kusvika pachidimbu youmambo hwangu!”
24Nokudaro mwanasikana adoenda kobvunza amaache achiti, “Ndikumbire chii?”
Ivo ndokuti, “Kumbira musoro waJohwani Muombeki!”
25Nokamangu adodzokera kuna mambo ndokumukumbira kuti, “Ndipasei pakarepano musoro waJohwani Muombeki!”
26Mambo adosurukihwa nazvo maninge, asi adonyara kuchora chivimbiso chache pamberi povanhu vaadokoka. 27Mambo adotuma uto nokamangu kuti riende kogwata musoro waJohwani, uto ridoenda kutorongo ndokubva ragwata musoro waJohwani, 28nokuuya nawo uri mumbenge uchibva wapasiwa kumusikana, iye adobva waenda kopasa amaache. 29Vadzidzi vaJohwani pavadozvinzva vadouya vachitora chitunha chache vachichiviga muguwa.
Jesu Anopasa Zvokuja Vanhu Zviuru Zvishano
(Mateo 14:13-21; Ruka 9:10-17; Johwani 6:1-14)
30Zvino nhumwa dzidodzoka ndokuungana pana Jesu dzichimunyepa zvese zvadzidoita nozvadzidodzidzisa. 31Ukuwo gurusvusvu rovanhu raimbondouya nokuenda zvokuti Jesu novadzidzi vache vadotosaya nonguwa yokuja chaiyo. Ipopo Jesu adoti kwavari, “Mbatibirikei paruzinji tiende pedu tega mumbofemawo kanguwa kapfupi.” 32Saka vadodzokwira mukamwadiya vachienda kwavo vega.
33Asi vanhu vazinji vadovaona vachienda, futi vadovaziva, saka vadotizirana notsoka vachibva mumaguta yadosiyana siyana ndokuthangira Jesu kusvika. 34Jesu paadoburuka mukamwadiya adoona gurusvusvu rikuru rovanhu, achibva avanzvira tsitsi nokuti vaiita kunge hwai dzisinai nyakabusa. Saka adothanga kuvadzidzisa zvinhu zvizinji. 35Kudzoti kwava kudoka, vadzidzi vadouya kwaari vachiti, “Kwadoka, apa tichiri musango. 36Chiendesai vanhu kumaguta nokumisha vazvitengere zvokuja, vaje.”
37Asi Iye adovapindura achiti, “Vapasei imimi zvokuja zvacho.” Ivo vadoti,
“Toenda chere kotenga mazingwa yomadhenari mazana mairi kuti vaje?” (Dhinari ribodzi wanga uri muhoro wozuva ribodzi).
38Jesu adoti kwavari, “Munomazingwa manganiko? Endai konangara.”
Pavadonangara vadoti, “Tinomazingwa mashano nohove dziiri.”
39Ipopo Jesu adoudza vanhu kuti vagarikike pasi pausva hunyoro vadoita zvikwata zvikwata. 40Saka vadogarikika vadoti apa makumi mashano apa zana. 41Ipopo Jesu adotora mazingwa mashano nohove dziiri, ndokunangara kudzuru ndokuzvikomborera. Adobva wazvikomora komora achipasa vadzidzi vache kuti vapase vanhu. 42Vese vadoja vachiguta. 43Pakarepo vadohwenga zvimepfu zvomazingwa zvidosara ndokuzaza tsvanda gumi nodziiri nohovewo kamu. 44Vanhu vadoja vacho vaipfuura zviuru zvishano.
Jesu Anotekaira Pamusoro poMvura
(Mateo 14:22-33; Johwani 6:15-21)
45Nokamangu Jesu adosukumidzira vadzidzi vache kupinda mukamwadiya kuti vaende kumhiri kwogungwa kuBhetisaidha, Iye achisara achikototsa vanhu. 46Wabva mukuvakototsa adokwira mugomo konamata. 47Kwasvipa Jesu wanga ari wega panyika, kamwadiya kari pakati pogungwa. 48Adovaona vachikikiritsana nokamwadiya, ndava duthu ranga richihwisana navo. Mambakwedza pakati ponguwa yochitatu noyochitanhatu adouya kwavari, achitekaira pamusoro pomvura. Waakutoda kuvapindirira, 49vadobva vamuona achitekaira pamusoro pomvura mugungwa, vachifunga kuti nyhipoko, vadoibongomora mhere. 50Ndava vese vamuona futi vadobva vabatiwa nokucha.
Asi nokamangu adonyaira navo achiti, “Dekharikai, ndini, rekai zvenyu kucha.” 51Pakarepo adokwira mukamwadiya mavanga vari, duthu ridobva raroserafuti, ipopo vadoshamisika zvidokungudza. 52Ndava kubva pamunana wokuposhewa kwovanhu zviuru zvishano nozvingwa zvishano, vanga vasinati vanzvitsitsa kuti Iye mbani. Mwoyo yavo yanga yava mikukutu.
Jesu Anoporesa Vahwere paGenesareti
(Mateo 14:34-36)
53Vadoyambuka kumhiri ndokusvika panyika yoGenasareti ndokusungirira kamwadiya. 54Pavadobirika mukamwadiya, pakarepo vanhu vadoziva Jesu, 55ndokutizirana dunhu rese vachitakura vahwere pamibhedha yavo vachienda kwavadonzva kuti ndokwaari. 56Kwese kwaaienda mumaguta kana mumisha, vairadzika vahwere munzira, vachikumbira kuti vabate mukombero wojasi rache, uye vese vadoubata vadopora.
Zvasarudzwa nguva ino
Mariko 6: KBT
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
The Word for The World International