Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 11

11
Anopinda muJerusarema Achipemberehwa
(Mateo 21:1-11; Ruka 19:28-40; Johwani 12:12-19)
1Pavanga vaakuda kusvika muJerusarema vava paBhetifegi noBhetaniya paGomo roMiorivhi, Jesu adotuma vadzidzi vache vairi. 2Adoti kwavari, “Endai mumusha wamudonangarana nawo, mukapinda makaremo munoona kamwana koburu kadosungirihwa kasati kambogadhiwa nomunhu, kasugudurei muuye nako. 3Kana paita anokubvunzai kuti, ‘Muri kukasugudurirei?’ Mupindurei kuti, ‘Ishe vari kukada, ipopo achakatumira pano tsotsono.’”
4Ivo vadoenda ndokuwana kamwana koburu kunze kwomusuo, kadosungirihwa panzira sezvavanga vanyepewa naJesu, ndokukasugudura. 5Vadobvunziwa novanhu vanga vadomira pakarepo vachivati, “Muri kusudugurirei kaburu kakareko?”
6Ivo ndokupindura sezvavadoudziwa naJesu, vachibva vavarega vachienda. 7Vadouya nako kuna Jesu, ndokubva vawaridza hembe dzavo pamusoro pakene, ndokubva iye wakagadha. 8Vanhu vazinji vadowaridza hembe dzavo, vamwe vachitema mazani yomiti vachimuwaridzira mumugwagwa. 9Vanga vadotungamira novaitevera mumasure vaidaidzira vachiti, “Hozana! Adokomborehwa iye anouya muzita raIshe. 10Hudokomborehwa umambo huri kuuya hwababa vedu Dhavhiti, Hozana kumusorosoro!”
11Zvino adosvika muJerusarema, ndokupinda muchivanze choimba yaMwari, ndokunangaranangara achiona zvinhu zvese. Sezvo kwakanga kwadoka, adobirika ndokuenda kuBhetaniya novanogumi novairi.
Mukuyu Wanga Usingabereke
(Mateo 21:18,19)
12Fume mangwana vaakubva kuBhetaniya, Jesu wanga waanonzara. 13Ari kurefu adoona mukuyu wanga uno mazani, adoenda koona kana uno muchero. Paadosvika pauri, hapanai chaadowana asi mazani yega yega, nokuti nguwa yohuyu yanga isinati yasvika. 14Ipopo Jesu adoti kumuti wakareyo, “Mbaparegerefuti kuva nomunhu anoja michero pauri.” Paadotaura zvakarezvo vadzidzi vache vadozvinzva.
Jesu Anodzinga Vaitengeserana muimba yaMwari
(Mateo 21:12-17; Ruka 19:45-48; Johwani 2:13-22)
15Pavadosvika muJerusarema Jesu adopinda muchivanze choimba yaMwari, ndokuthanga kudzinga vaitengeserana muimba yaMwari, nokupidigura mathafura notumipando tovaitsinhana mari, novaitengesa njiva. 16Futi adobvumiraba kuti pave noanotakura chinhu achipinda nomuimba yaMwari. 17Asi adodzidzisa vanhu achiti, “Mumagwaro mudonyohwa kuti ‘imba yaMwari yangu ichanzi imba yokunamatira yomarudzi yese’ asi imimi matoiita bako romakororo.”
18Vaphirisita vakuru novanyori pavadonzva zvakarezvo, vadothanga kutsvaga nzira yavangamubaye nayo, asi vaimucha ndava vanhu vese vanga vashamisiwa nokudzidzisa kwache.
19Kudzoti yava mauro vadobirika muguta.
Simba Rokutenda
(Mateo 21:20-22)
20Mangwanani yomusi udotevera, pavaipfuura vadoona mukuyu uye waoma nomidzi yese. 21Pita adokumbuka ndokuti kwaari, “Onai muti wamudoshurikidza uye waoma.”
22Jesu adovapindura achiti, “Ivai nokutenda muna Mwari. 23Chokwadi ndinoti kwamuri, munhu upi zvache anoti kugomo iri ‘Birika uende kombwerera mugungwa, asingatsakidze mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaataura zvichaitika, zvinoitika sekutaura kwache. 24Nokudaro ndinoti kwamuri, chese chamunoda mukachinamatira nokutenda kuti matochitambira, muchachiwana. 25Futi pese paunonamata, kana pano adokutadzira, muregerere kuitira kuti Baba vako vokudenga vakuregererewo zvitadzo zvako.” 26Asi kana musingaregerere, naBaba venyu vokudenga havakuregererewo zvitadzo zvenyu.
Vanopikisa Simba raJesu
(Mateo 21:23-27; Ruka 20:1-8)
27Adopinda kamu muJerusarema. Paanga achitekaira muchivanze choimba yaMwari, vaphirisita vakuru novanyori novakuru vovanhu vadouya kwaari. 28Vadoti kwaari, “Mbukuru hwai hwaunahwo hwokuita zvinhu zvakarezvi? Noadokupasa ukuru hwakareho, mbani?”
29Jesu adovapindura kuti, “Ini ndichakubvunzaiwo mubvunzo mubodzi, mukandipindura, neniwo ndichakuudzai ukuru hwandinahwo hwokuita zvinhu zvakarezvi. 30Ko ruombeko raJohwani rudobva kudenga chere kana kuvanhu? Pindurai.”
31Vadothanga kupikisana vachiti, “Kana tikati kudenga, Iye achati, ‘Zvino mudoregerei kumutenda?’ 32Kana tikati, ‘Rudobva kuvanhu,’ tinocha vanhu nokuti vese vaitenda chaizvo kuti Johwani waiva muporofiti.” 33Vadodzoti kuna Jesu, “Tinozivaba.”
Jesu adoti kwavari, “Neniwo ndinokuudzaiba ukuru hwandinahwo hwokuita zvinhu zvakarezvi.”

Zvasarudzwa nguva ino

Mariko 11: KBT

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda