Mateo 6
6
Dzidziso Pamusoro poRudo
1Chenjerai kumboitira buya panovanhu kuti vakuonei, ndava munodzowanaba mubairo kubva kuna Baba venyu vari kudenga.
2Saka kana muchipereka ruyamuro, rekai kuti zvizikane, fanike zvinoitiwa novanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa, kuti varumbidziwe novanhu. Chokwadi ndinoti kwamuri, vatotambira mubairo wavo. 3Asi kana muchipereka ruyamuro, rekai kuita kuti ruoko renyu romamose rizive zviri kuitiwa noruoko renyu roruji peno. 4Kuitira kuti ruyamuro renyu rive romuchihwande. Ndava Baba venyu vanoona zvomuchihwande vachakupasai mubairo.
Dzidziso Pamusoro poMunamato
(Ruka 11:2-4)
5“Futi kana muchinamata, rekai kuita kunge vanyengeri, ndava vanofarira kunamata vadomira mumasinagoge nopamhararano dzonzira, kuti vaonewe novanhu. Chokwadi ndinoti kwamuri, vatotambira mubairo wavo. 6Asi kana maakunamata, pindai mumba menyu mukwedekere sasa, monamata kuna Baba venyu ari padohwanda. Ivo Baba vako vanoona padohwanda vachakupasa mubairo peno.
7Pakare pakunamata rekai kumbondotutira mashoko kunge zvinoitiwa novasiri vaJudha, ndava vanofunga kuti vachanzviwa nokuda kwomashoko yavo mazinji. 8Rekai kuita kunge vakarevo. Ndava Baba venyu vanoziva zvamunoda musinati mavakumbira. 9Saka namatai muchidai,
‘Baba vedu vari kudenga,
Zita renyu mbarikudziwe noutsvene,
10umambo hwenyu mbahuuye,
kuda kwenyu mbakuitiwe panyika sezvazviri kudenga.
11Tipasei nasi kuja kwedu kwomazuva yese.
12Mutiregerere kutadza kwedu,
sekuregererawo kwatinoita vanotitadzira.
13Rekai kutipinza pamuedzo,
Asi tihwirei kubva pano adoipa.
14Ndava kana muchiregerera vanhu kutadza kwavo, Baba venyu vokudenga vachakuregereraiwo. 15Asi kana musingaregerere vanhu kutadza kwavo, naBaba venyu havakuregerereiwo kutadza kwenyu.”
Dzidziso Pamusoro poKutsanya
16“Pakare kana muchitsanya, rekai kuoneka kudodoma kaso, kunge vanyengeri. Ndava vanosina pazviso kuti kutsanya kwavo kuonewe novanhu. Chokwadi ndinoti kwamuri, vatotambira mubairo wavo. 17Asi kana uchitsanya, shamba chiso chako uzore mapfuta musoro wako, 18kuti kutsanya kwako kureke kuonewa novanhu asi naBaba vako vari padohwanda. Ivo Baba vako vanoona padohwanda vachakupasa mubairo.”
Pfuma yoKudenga
(Ruka 12:33-34)
19“Rekai kuzvichengetera pfuma panyika, pano tukumo nongura zvinoiparadza nombavha dzinopasura dzichiba. 20Asi, zvichengeterei pfuma kudenga, kusinai tukumo nongura zvinoiparadza, kusinai kamu mbavha dzinophasura dzichiba. 21Ndava pano pfuma yako nomwoyo wako uchavawo pakarepo.”
Mwenje woMuviri
(Ruka 11:34-36)
22“Ziso ndiro mwenje womuviri. Saka kana ziso rako ridonaka, muviri wako wese unenge udozara chiedza, 23asi kana ziso rako ridonyangara, muviri wako wese unenge udozara rima. Manje kana chiedza chiri mauri chiri rima, rima rakarero ridokungudza peno!”
Mwari noPfuma
(Ruka 16:13; 12:22-31)
24“Hapanai angashandire anatenzi vairi, ndava achavenga mubodzi achida umwe, kana kuti achatetekera mubodzi achinyozera umwe. Hamukwanise kushandira Mwari nomari.
25Saka ndinokunyepai, kuti mureke kushushikana pamusoro poupenyu hwenyu chamuchaja kana chamuchamwa, kana pamusoro pomuiri wenyu chamuchasimira. Ko upenyu hunokundaba chokuja nai, nomuviri unokundaba chokusimira nai? 26Nangarai tushiri tomudenga, hatujari kana kukohwa kana kuunganidzira muzvitura, asi zvidodaipo Baba venyu vokudenga vanotuposha! Ko imipa mudokoshaba kutukunda? 27Anga mbani wenyu angaingidzire kurepha kwoupenyu hwache nokushushikana?
28Manje munonetsekerei pamusoro pozvokusimira? Cherechedzai maruva yomusango kuti yanokura tini, hayashande kana kurukha. 29Asi zvidodaipo ndinokunyepai, kuti kana naiye Soromoni pakubhwinya kwache kwese haanai kusimidziwa fanike rimwe royakareya. 30Zvino kana Mwari achisimidza zvidodai usva hwomusango, hunondovapo nasi huchidzokhandiwa mumoto hwedza, angareke nai kunyanya kukusimidzai vakaremi? Vanhu vokutenda kudiki!
31Saka rekai kushushikana muchiti, ‘Tichajei’ kana kuti ‘Tichamwei’ kana kuti ‘Tichapfekei?’ 32Ndava voyamwe marudzi vasiri vaJudha vanotsvaga zvinhu zvakarezvi zvese. Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munozvida zvese. 33Asi thangai kutsvaga umambo hwaMwari nokururama kwache, nozvakarezvi zvese zvichava zvenyu kamu. 34Saka rekai kunetseka pamusoro poramangwana, ndava ramangwana richazvinetsekera rega. Rekai dambudziko rozuva rikwanirane nozuva rakarero.”
Zvasarudzwa nguva ino
Mateo 6: KBT
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
The Word for The World International