Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 5

5
Mharidzo paGomo
1Paadoona magurusvusvu yovanhu, adokwira mugomo, ndokugarikika pasi. Vadzidzi vache vadouya kwaari. 2Adothanga kuvadzidzisa ndokuti,
Makomborero yoChokwadi
(Ruka 6:20-23)
3“Vadokomborehwa varombo pamweya,
ndava umambo hwokudenga ngwavo.
4Vadokomborehwa vanorira,
ndava vachanyaradziwa!
5Vadokomborehwa vadopfava,
ndava vachagara nhaka yonyika.
6Vadokomborehwa vanonzara nonyota yokururama,
ndava vachagutsiwa.
7Vadokomborehwa vano tsitsi,
ndava vachaitihwa tsitsi.
8Vadokomborehwa vadochena pamwoyo,
ndava vachaona Mwari.
9Vadokomborehwa vanoyananisa,
ndava vachanzi vana vaMwari.
10“Vadokomborehwa vanotambudzihwa kururama,
ndava umambo hwokudenga ngwavo.
11Mudokomborehwa vakaremi kana vanhu vachikutukanai vachikutambudzai vachinyaira zvidoipa zvese zvomabwodo pamusoro penyu nondava yangu. 12Farai nokuita mufaro udonyanya, ndava mubairo wenyu udokuritsa kudenga. Matambudziro yavanoita vanhu vakareva ndomwenze yavadoita kuvaporofiti vadokuthangirai.”
Muri Mwinyu noChiedza
(Mariko 9:50; Ruka 14:34-35)
13“Imipa muri mwinyu wonyika, asi kana mwinyu wataya kuvava kwawene kungadzotsehwe tini? Hauchinai kabonyo, saka unotayiwa wotsikiwa novanhu.
14Muri chiedza chonyika. Guta riri pagomo rinosvisvikaba. 15Vanhu havabatidze mwenje vachiuisa pasi potsvanda, asi pachigadziko chomwenje kuti uvhenekere vese vari mumba. 16Chiedza chenyu mbachivhenekere vanhu kuti vaone buya renyu, vakudze Baba venyu vari kudenga.”
Dzidziso Pamusoro poMutemo
17“Rekai kufunga kuti ndidouya kudzopfudza mutemo nozvinyohwa zvovaporofiti. Ndidouyaba koipfudza asi kudzoizazisa. 18Ndava pachokwadi ndinoti kwamuri kusvikira denga nonyika zvapfuruka, hapanai kachikamu kadikidiki kana kabhii kangabvisiwe pamutemo kusvikira zvese zvazazisiwa. 19Wese anochora umwe womitemo mudikidiki panoyakarei, achidzidzisa vanhu kuita zvakarezvo, achaitiwa mudikidiki muumambo hwokudenga. Asi anoiita achiidzidzisa, achaitiwa mukuru muumambo hwokudenga. 20Ndava ndinokunyepai, kuti kana kururama kwenyu kukareka kukunda kwovanyori novaFarisi, munopindaba muumambo hwokudenga.”
Dzidziso Pamusoro poKureka kuita Ukari
21“Mudonzva kuti zvidotauhwa kuvanhu vokare kuti, ‘Reka kubaya, wese anobaya achatongewa.’ 22Asi Inipano ndinoti kwamuri, wese anoitira ukari hama yache waparamura mhosva ichatongewa. Wese anotukana hama yache, wasora dare, nowese anoti, ‘Iwe dzemwa!’ achava nomhosva yogehena romoto. 23Saka kana uchipereka chipo chako paatari, ukayeuka kuti hama yako ino chinhu chaidotsvatsvanira naiwewe, 24siya chipo chako paataripo, uende kothanga wayanana nohama yako, wodzouya wopereka chipo chako.
25Uchiri kuenda kudare nomunenedzeri wako, kurumidza kuwirirana naye, kuti munenedzeriyo areke kukupereka kumutongi, mutongi wodzokuisa kumupurisa uchibva wavharihwa mutorongo. 26Chokwadi ndinoti kwamuri, unomubirikaba kusvikira waripa kamari kokupedzisira”
Dzidziso Pamusoro poKureka kuita Upombwe
27“Mudonzva zvichinzi, ‘Reka kuita upombwe.’ 28Asi Inipano ndinoti kwamuri, wese anonangara munhukadzi achibva wamuchiva watoita upombwe naye mumwoyo mache. 29Kana ziso rako roruji richikukonzera kutadza, ritokonore uritaye! Hasa kutaikihwa nochidzu chibodzi panokuti muiri wako wese ukhandiwe mugehena. 30Kana ruoko rako roruji richikukonzera kutadza, rigwate uritaye. Hasa kusaya chimwe chidzu panokuti muiri wako wese ukhandiwe mugehena.”
Dzidziso Pamusoro poKureka Kurambana
(Mateo 19:9; Mariko 10:11-12; Ruka 16:18)
31“Zvidonzi pakare, ‘Wese anoramba mukadzi wache, mbaamupase gupuro.’ 32Asi ndinoti kwamuri, wese anoramba mukadzi wache kunze kwokuti wahura, anomuitisa hure, nowese anoroora mukadzi adorambiwayo anoita upombwe.”
Dzidziso pamusoro poKurega kupika
33“Pakare mudonzva zvichinzi kuvanhu vokare, ‘Reka kupika zvomabwodo. Asi unofanira kuitira Ishe zvaudopikira.’ 34Asi ndinoti kwamuri, ‘Rekeraifuti kupika, kana nodenga ndava nyhigaro chaMwari choushe. 35Kana nonyika, ndava nyhitsiko chotsoka dzache, kana kuti noJerusarema, ndava iguta raMambo mukuru. 36Futi rekai kupika nomusoro wenyu, ndava munokonaba kuita kuti bvudzi ribodzi rive richena kana rizvipa. 37Kunyaira kwenyu mbakundova, ‘Inde’ kana ‘Neye’ chese chinopindiridza ipopa chinobva kuno adoipa.”
Dzidziso Pamusoro poKurega kutsiidza
(Ruka 6:29-30)
38“Mudonzva kuti zvidonzi, ‘Ziso rinotsiviwa noziso, zino nozino.’ 39Asi ndinoti kwamuri, ‘Rekai kurambidza adoipa. Asi kana umwe akakurova padama rokuruji, muperekere rimwe racho. 40Futi kana pakaita anokusungisa kuti atore hembe yako, mureke atorewo nobhache rako kamu. 41Kana munhu akakusukumidza kutekaira huri ibodzi, tekaira naye huri dziiri. 42Pasa anokuruvira, futi reka kurambira anoda kukukwereta.”
Rudo kuVavengi
(Ruka 6:27-28,32-36)
43“Mudonzva kuti zvidonzi, ‘Unofanira kuda muvakhidzani wako, wozonda muvengi wako.’ 44Asi ndinokunyepai kuti, idai vavengi venyu munamatire vanokutambudzai, 45kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kudenga. Ndava vanobuditsira zuva ravo kuno vadoipa novadonaka, nokunisira mvura vadorurama novasinai kururama. 46Ndava kana muchindoda vaye vanokudai, muno mubairo wei? Anga naivo vateresi vanoitaba zvibodzibodzizvo nai? 47Futi kana muchimoresa hama dzenyu basi, chii chamuri kuita chinokunda vamwe? Ko vasiri vaJudha vanoitaba zvibodzibodzizvo? 48Saka munofanira kuva vadokwana, saBaba venyu vokudenga vadokwana.”

Zvasarudzwa nguva ino

Mateo 5: KBT

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda