Mateo 4
4
Kuedzewa KwaJesu
(Mariko 1:12,13; Ruka 4:1-13)
1Zvino Jesu adotungamihwa noMweya kusango, kuti aedzewe najabhurosi. 2Adotsanya kwomazuva makumi manai nousiku makumi manai, mumasure mozvakarezvo adonzva nzara. 3Muyedzi adouya ndokuti kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, raira mabhwe yakareya kuti yave mazingwa.”
4Asi adomupindura achiti, “Kudonyohwa kuti, ‘Munhu anoraramaba nomazingwa chete, asi noshoko rese rinobirika mumuromo maMwari.’”
5Zvino jabhurosi adomutora ndokumuendesa kuguta ritsvene, achibva wamuisa pakatorotoro poimba yaMwari. 6Adoti kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, zvikhandire pasi, ndava kudonyohwa kuti,
‘Acharaira ngirozi dzache pamusoro pako,
dzichakukacha,
kuti gumbo rako rireke kurovera padombo.’”
7Jesu adoti kwaari, “Kudonyohwa pakare kuti, ‘Damba kuedza Ishe Mwari wako.’”
8Jabhurosi adomutora pakare ndokuenda naye kugomo rirefurefu ndokumunangidza umambo hwese hwopasi nombiri yahwene. 9Adobva wamuti, “Ndichakupasa zvakarezvi zvese, kana ukandipfugamira nokundinamata.”
10Manje Jesu adoti kwaari, “Birikapa Sathani! Ndava kudonyohwa kuti, ‘Uchanamata Ishe Mwari wako basi, iye chete ndiye waunoshumira.’”
11Ipopo jabhurosi adomusiya, zvino ngirozi dzidouya ndokumushandira.
Jesu Anothanga Basa Rache muGaririya
(Mariko 1:14,15; Ruka 4:14,15)
12Zvino paadonzva kuti Johwani wasungiwa, adoenda kuGaririya. 13Paadobirika muNazareta, adoenda kogara kuKaperenaume, papfupi nogungwa, mudunhu roZebhuruni noNafutari. 14Kuti zvidonyaihwa nomuporofiti Isaya zvizazisiwe zvokuti,
15“Nyika yoZebhuruni nonyika yoNafutari,
kunzira inonanga kugungwa, padonangarana noJorodhani,
Gaririya rovasiri vaJudha,
16vanhu vaigara murima
vadoona chiedza chikuru,
pana ivo vaigara munyika yomumvuri worufu
chiedza chidovhenekera.”
17Kubva panguwa yakareyo Jesu adothanga kuparidza achiti, “Pindukai, ndava umambo hwokudenga hwanyedza papfupi.”
Jesu Anodaidza Vabati Vohove Vanai
(Mariko 1:16-20; Ruka 5:1-11)
18Paanga achifamba panyasi pogungwa roGaririya, adoona vairi, mukoma nomunin'ina, Simoni anoitiwa Pita naAndireya, vachikhanda mambure yavo mugungwa, ndava vaiva vabati vohove. 19Adoti kwavari, “Nditeverei, ndichakuitai varauri vovanhu.” 20Kabodzi nokabodzi vadosiya mambure yavo vachibva vamutevera.
21Achibirika kubva pakarepo adoona vamwe vairi mukoma nomunin'ina, Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebhedhiya. Vanga vari mukamwadiya pabodzi nababa vavo Zebhedhiya, vachisonanidza mambure yavo. Jesu adobva wavadaidza, 22pakarepo vadosiya kamwadiya nababa vavo, ndokumutevera.
Ushumiri hwaJesu
(Ruka 6:17-19)
23Adotenderera muGaririya rese, achidzidzisa mumasinagoge yavo, achiparidza vhangeri roumambo, nokuporesa matenda yese nohodza dzese pakati povanhu. 24Zvino mukurumbira wache udosvika kunyika inoitiwa Siriya kwese, vadouya kwaari novahwere vese, vaishupika nomatenda nomahwadzo, novaiva nomashave, novaiva nopfavi, novanga vadotonhora nhengo. Adobva wavaporesa. 25Gurusvusvu rikuru ridomutevera richibva muGaririya nomuDhikaporisi, nomuJerusarema, nomuJudhiya, nokumhiri kwaJorodhani.
Zvasarudzwa nguva ino
Mateo 4: KBT
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
The Word for The World International

: