Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 24

24
Jesu Anonyaira Zvokuparadziwa kwoJerusarema
(Mariko 13:1,2; Ruka 21:5,6)
1Jesu adobirika muimba yaMwari, waakutoenda, ndopadouya vadzidzi vache vachimunangidza mavakhihwo yoimba yaMwari. 2Asi adovapindura, “Muri kuona zvese izvi, handiti? Chokwadi, ndinoti kwamuri, hapanai ribhwe richaramba riri pamusoro porimwe, risingazokoromorehwa pasi.”
Nhamu noKutambudziwa
(Mariko 13:3-13; Ruka 21:7-19)
3Paadogara paGomo romiOrivhi, vadzidzi vache vadouya kwaari kabisira, vachiti, “Tinyepei, izvozvi nzvarini, nochiratidzo chokuuya kwenyu nochokuguma kwonyika?”
4Jesu adovapindura achiti, “Chenjerai kuti pareke kuva nomunhu anokutsambutsai. 5Ndava vazinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ndini Khirisitu,’ vachitsambutsa vazinji. 6Muchanzva zvohondo nomarehwarehwa yohondo, asi rekai kuvhunduka, ndava zvakarezvi zvinofanira kuitika, asi kuguma kunenge kusati kwasvika. 7Ndava rudzi ruchamukira rudzi, noumambo huchamukira umambo, kuchava nonzara nokugwetedzeka kwonyika munzvimbo dzizinji. 8Zvese zvakarezvi zvichava mavambo yokudzimba kwomimba.
9“Ipopo muchaperekewa kuti muendesewe kotambudziwa nokobaiwa. Futi muchazondewa nomarudzi yese nondava yangu. 10Uye vazinji vachahedhuka pakutenda, vachazondana vachipandukirana. 11Vaporofiti vomabhwodo vazinji vachamuka, vachitsambutsa vazinji. 12Nondava yokuingidzika kwouipi, rudo rovazinji ruchaderera. 13Asi anotsungirira kusvika pamagumo achaponesewa. 14Iyoyi Nyaya Idonaka youmambo ichaparidziwa kunyika dzese, seuchapupu kumarudzi yese, ipopo kuguma kunobva kwadzosvika.
Chinhu Chinochisa
(Mariko 13:14-23; Ruka 21:20-24)
15Zvino kana maakuona mharadzi yotsambwa inochisa idorehwa namuporofiti Dhanyero, yamira panzvimbo itsvene (anoverenga mbaanzvitsitse), 16ipopo vari muJudhiya mbavatizire kumakomo 17ari pamusoro poimba mbaareke kuburuka kotora zviri mumba mache, 18noari kumunda mbaarekere kudzokera kumba kotora hembe yache. 19Vano nhamu vanomimba novanomwisa mumazuva yakareyo! 20Namatai kuti kutiza kwenyu kureke kuva panguwa yokutonhora kana paSabata. 21Ndava ipopo pachava nokutambudzika kukuru, kusinati kwambovapo kubva pamavambo yonyika kusvika manje, futi neye, kunodzovapoba. 22Dai mazuva yakareyo yairekera kutapudziwa, hapanai munhu waichira, asi nondava yovadosaruhwa, mazuva yakareyo yachatapudziwa.
23Manje kana munhu akati kwamuri, ‘Nangarai, Khirisitu ari pano’ kana ‘Ari apo’ rekai kuzvitenda. 24Ndava ana Khirisitu vomabhwodo novaporofiti vomabhwodo vachamuka vachinangidza zviratidzo zvikuru nozvishamiso, kuti kana zvichikwanisika vatsambutse kana novadosaruhwavo. 25Onai, ndagara ndakuudzai.
26Saka, kana vakati kwamuri, ‘Onai, ari kusango,’ rekerai kuenda, kana vakati, ‘Onai ari mudzimba dzomukati,’ rekerai kuzvitenda. 27Ndava sezvinoita kabhanimani kanobva kumabvazuva kachipenya kuenda kumadokero, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana woMunhu.
28Pano chitunha ndipo panoungana magora.
Kuuya kwoMwanakomana woMunhu
(Mariko 13:24-27; Ruka 21:25-28)
29Panondopera kutambudzika kwomazuva yakareyo, zuva richasvipa, nomwedzi uchareka kuvhenekera kwawene, nonyenyedzi dzichawa kubva kudenga, nomasimba yokudenga yachagwetedzewa. 30Ipopo pachaoneka chiratidzo choMwanakomana woMunhu mudenga, uye marudzi yese yopasi yacharira, vachiona Mwanakomana woMunhu achiuya ari pamusoro pomakuti yokudenga nomasimba nokubhwinya kukuru, 31zvino achatuma ngirozi dzache nokudaidzira kworuzha rohwamanda, idzo dzichaunganidza vadosaruhwa vache kubva kumativi yese yonyika, kubva kumhera kwodenga kuenda kumwe kumhera.
Chidzidzo choMukuyu
(Mariko 13:28-31; Ruka 21:29-33)
32Dzidzai chidzidzo kubva pamuti womukuyu: kana mathai yakuthungira, waakuita mazani, munoziva kuti mainza yaakusvika. 33Naizvozvowo, kana moona zvakarezvi zvese, zivai kuti wava papfupi, pamusuwo chaipo. 34Chokwadi ndinoti kwamuri, vanhu vonguwa iyoyi vanoperaba kusvikira zvinhu zvakarezvi zvese zvaitika. 35Denga nonyika zvichapfuura, asi mashoko yangu yanopfuuraba.
Hapanai Anoziva Zuva noNguwa
(Mariko 13:32-37; Ruka 17:26-30,34-36)
36Asi kana riri zuva kana awa iyoyo, hapanai anoziva, kana nongirozi dzokudenga, kana Mwanakomana, asi Baba vega. 37Sezvazvanga zvidoita pamazuva yaNowa, ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu. 38Ndava sepamazuva yakareyo kusati kwava nomurove, vaija vachimwa, vairoora nokuroorewa, kusvikira zuva Nowa raadopinda mungarava, 39havanai kuziva kusvikira mafashamu yauya yachibva yavakukura vese, zvakarezvo ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana woMunhu. 40Varume vairi vachange vari mumunda, umwe achatohwa umwe achisiiwa. 41Vakadzi vairi vachange vachikuya paguyo, umwe achatohwa umwe achisiiwa. 42Garirirai ndipo, ndava munozivaba zuva rinouya Ishe wenyu. 43Asi zivai izvi, kuti dai mwenekachiro woimba waiziva kuti njipi nguwa yousiku inouya mbavha, waigaririra asingabvumire kuti imba yache ipaziwe. 44Saka naimipawo gadzirirai, ndava Mwanakomana woMunhu anouya nonguwa yamusingamutarisire.
Kuva kana Kusava Muranda Adotendeka
(Ruka 12:41-48)
45Mbani zvino muranda adotendeka adochenjera, adoisiwa natenzi wache pamusoro povaranda vari mumba mache, kuti ambovapasa zvokuja panguwa idokodzera? 46Adokomborehwa muranda wakareyo anoti kana tenzi wache achisvika anomuwana achiita daro. 47Chokwadi ndinoti kwamuri, achamuisa pamusoro pozvinhu zvache zvese. 48Asi kana ari muranda adoipa anoti mumwoyo mache, ‘Tenzi wangu wachehwa kuuya,’ 49wothanga kurova varanda biyache, woja nokumwa novararadzi, 50tenzi womuranda wakareyo achauya nozuva raasingamutarisire nopanguwa yaasingazive, 51iye achamuranga, achamuisa pabodzi novanyengeri, ipopo vanhu vacharira nokurumanisa meno yavo nondava yokudzimbiwa.

Zvasarudzwa nguva ino

Mateo 24: KBT

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda