1 Pita 3
3
Varume noMadzimai
1Saizvozvo imipa madzimai zviisei pasi povarume venyu, kuitira kuti vamwe, kana zvavo vasingatetekere shoko, vadzohwe nomuitiro womadzimai yavo pasinai shoko rarehwa, 2kana vachiona muitiro wenyu udochena nokuremekedzeka kwenyu. 3Runako renyu mbarireke kuva romucheno wokunze, wokurukha vhudzi nokukochekera mikufu yondarama nombacha dzinoyevedza, 4asi mbarive runako ridohwanda risingapere romunhu womukati rokupfava nomweya udodiha, ridokosha kuna Mwari. 5Ndava yakarei ndiyo nzira yavaizvipasa runako nayo vakadzi vatsvene vokare vanga vano tariro muna Mwari. Vaizviisa pasi povarume vavo chaivo, 6kunge Sara, waitetekera Abhurahamu achimudaidza kuti tenzi wache. Muri vanasikana vache kana muchiita zvidokohoroka musinai chamunobvumira kuti chikuchisei.
7Nonzira ibodzibodziyo varume nzvitsitsai vakadzi venyu, muvabate norukudzo semabiyenyu asinai simba wamunoja naye nhaka yochipo choupenyu hwomutsa, kuitira kuti minamato yenyu ireke kutadzisiwa.
Kutambudzika Nokuda Kwokuita Zvidonaka
8Pakupedzisira, mese ivai nomweya wokuwirirana, itiranai tsitsi, mudanane muchiitirana mwoyo munyoro muchiyamurana nokuzvininipisa. 9Rekai kutsiidza chidoipa nochidoipa kana kutukana nokutukana, asi panzvimbo yokutsiidza ropafadzai, nokuti zvakarezvi ndizvo zvamudodaidzihwa kuitira kuti mugare nhaka yomaropafadzo. 10Ndava
“Wese anoda upenyu
nokuona mazuva yadonaka
anofanira kuchengeta chirimi chache kubva pazvidoipa nomuromo wache
kubva pakunyaira zvinonyengera.
11Anofanira kubirika pazvidoipa achiita zvidonaka,
anofanira kutsvaga runyararo nokuritevera.
12Ndava meso yaIshe yari pano vadorurama
nonzeve dzache dzidotetekera kuminamato yavo,
asi Ishe vanoperekera gotsi vanoita zvidoipa.”
13Mbani angakuhwadzisei kana muchishingairira kuita zvidonaka? 14Kana nepo muchifanira kutambudzikira zvidorurama, mudokomborehwa. Rekai kucha kuvhundutsira kwavo, rekai kucha zvavanocha, rekai kuvhundutsiwa navo, 15asi remekedzai Khirisitu saIshe mumwoyo menyu. Mugare mudogadzirira kupasa mhinduro kunowese anokubvunzai chikonzero chotariro yamunayo. 16Asi zvakarezvi zviitei nokupfava norukudzo. Chengetai hana idochena kuitira kuti vanonyaira vachinyomba muitiro wenyu udonaka muna Khirisitu vanyare nomakuhwa yavo. 17Kana kuri kuda kwaMwari hasa kuti mutambudzikire kuita zvidonaka panokuti mutambudzikire kuita zvidoipa. 18Ndava Khirisitu adopfira zvitema kabodzi zvichibva zvakwana, adorurama panzvimbo yovasinai kururama, kuti akuisei kuna Mwari. Adobaiwa panyama asi adoraramisiwa muMweya, 19wabva kuitiwa mupenyu mumweya adoenda koparidzira mweya iri mutorongo, 20isinai kuteerera Mwari kare paadomirira nomwoyo murefu pamazuva yaNowa panga pachivakhiwa ngarava. Mairi vanhu vashoma vanokwana vasere basi ndivo vadoponesewa nomvura. 21Mvura yakarei inosurudzira ruombeko rinokuponesaiwo zvino, kusiri kubisiwa tsambwa yomuviri asi kuruvira hana idochena kuna Mwari. Rinokuponesai kuburikidza nokumuka kwaJesu Khirisitu, 22uyo adoenda kudenga futi ari kujanja roruji raMwari. Ngirozi, vakuru nomasimba zvidoisiwa pasi pache.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Pita 3: KBT
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
The Word for The World International