Logo yeApp yeBhaibheri
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 16

16
Nhaka yaEfuremu
1Mugove wavana vaJosefa wakatanga paJodhani paJeriko, pamvura yeJeriko kumabvazuva kurenje, uchitanga paJeriko, ndokukwira napanyika yamakomo uchienda Bheti–eri; 2ndokubva Bheti–eri kusvikira paRuzi, ndokupfuura napamuganhu waVaArikiti kusvikira paAtaroti; 3ndokuburukira kumavirazuva kumuganhu wavaJafereti, kusvikira Gezeru, ndokuguma pagungwa.
4Vana vaJosefa, Manase naEfuremu, vakatora nhaka yavo.
5Muganhu wavana vaEfuremu nemhuri dzavo ndiwo: Muganhu wenhaka yavo kumabvazuva wakanga uri Ataroti–adhari, kusvikira paBheti–horoni kumusoro; 6zvino muganhu ndokuenda kumavirazuva paMikimetati kumusoro; zvino muganhu ndokudzoka kumabvazuva kusvikira paTanati–shiro, ndokupfuura ipapo kurutivi rwamabvazuva eJanoa; 7ndokubva paJanoa, ndokuburukira Ataroti, neNaara, ndokusvika paJeriko, ndokuguma paJodhani. 8Kubva paTapua muganhu wakaenda kumavirazuva, kusvikira parukova Kana, ndokuguma pagungwa. Ndiyo nhaka yorudzi rwavana vaEfuremu nemhuri dzavo; 9pamwechete namaguta akanga akakamurirwa vana vaEfuremu pakati penhaka yavana vaManase, maguta ose nemisha yawo. 10Havana kudzinga VaKenani vakanga vagere Gezeru; asi VaKenani vakagara pakati pavaEfuremu kusvikira nhasi; vakava vabati vechibharo.

Zvasarudzwa nguva ino

Joshua 16: SUB

Sarudza vhesi

Sarudza zvinyorwa izvi

Yenzanisa

Pakurirana nevamwe

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda