Hosiya 6
6
Kupindura kwaIsiraeri
1“Uyai, tidzokera kuna Jehovha; nokuti akabvambura, asi achatipodzazve; akarova, asi achatisungazve patakakuvara. 2Kana mazuva maviri apera achatiraramisa, nezuva rechitatu achatimutsazve, tirarame pamberi pake. 3Ngatimuzive, ngatishingaire kuziva Jehovha; kubuda kwake kwakatemwa sokwamangwanani; achauya kwatiri semvura, semvura yokuteverera inodiridza nyika.”
Efuremu naJudha vanotukwa
4“Aiwa, Efuremu, ndichakuitei? Aiwa, Judha ndichakuitei? Nokuti kunaka kwenyu kwakaita semhute yamangwanani, uye sedova rinokurumidza kuenda. 5Naizvozvo ndakavatema navaporofita; ndakavauraya namashoko omuromo wangu, zvandakatonga zvakaita sechiedza chinobuda. 6Nokuti ndinoda rudo, handidi zvibairo, uye kuziva Mwari kupfuura zvipiriso zvinopiswa.
7“Asi vakadarika sungano saAdhamu, ndipapo pavakandinyengera. 8Giriadhi iguta ravanoita zvakaipa, rina mwakwapa eropa. 9Sezvakaita makororo anovandira munhu, saizvozvo boka ravapristi rinouraya panzira inoenda Shekemi; zvirokwazvo, vakaita zvinonyadzisa. 10Paimba yaIsiraeri ndakaona chinhu chinonyangadza kwazvo, pakati paEfuremu pane hufeve, Isiraeri vakasvibiswa.
11“Newewo, Judha, wakagadzirirwa kukohwa, nenguva yandinodzosa kutapwa kwavanhu vangu.
Zvasarudzwa nguva ino
Hosiya 6: SUB
Sarudza vhesi
Sarudza zvinyorwa izvi
Yenzanisa
Pakurirana nevamwe
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.