Hosiya 3
3
Mukadzi wechipiri woufeve waHosiya anofananidzira Isiraeri
1Zvino Jehovha akati kwandiri, “Chiendazve, undoda mukadzi anodikanwa nomurume wake, asi chiri chifeve, sezvinoda Jehovha vana VaIsiraeri, kunyangwe vachitsaukira kuna vamwe vamwari, vachida mapundu amazambiringa.”
2Naizvozvo ndakamutenga namasirivha ane gumi namashanu, nehomeri netereki yebhari; 3ndikati kwaari, “Uchafanira kundimirira mazuva mazhinji; haufaniri kupata, haufaniri kuva mukadzi womumwe murume; neniwo ndichaita saizvozvo kwauri. 4Nokuti vana VaIsiraeri vachagara mazuva mazhinji vasina mambo, vasina muchinda, vasina zvibairo, vasina shongwe, vasina efodhi kana terafimi. 5Pashure vana VaIsiraeri vachadzoka vachitsvaka Jehovha Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo; vachauya kuna Jehovha vachitya, nokuunyoro hwake namazuva okupedzisira.”
Zvasarudzwa nguva ino
Hosiya 3: SUB
Sarudza vhesi
Sarudza zvinyorwa izvi
Yenzanisa
Pakurirana nevamwe
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.