Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tito 3:1-5

Tito 3:1-5 BDSC

Uyeuchidze vanhu kuti vazviise pasi pavatongi navane simba, kuti vave vanoteerera, kuti vave vanhu vakagadzirira kuita zvose zvakanaka, kuti varege kuchera vamwe, vagare murunyararo, vaitire vamwe zvakanaka, uye kuti varatidze kuzvininipisa kwechokwadi kuvanhu vose. Pane imwe nguva nesuwo takanga tiri mapenzi, tisingateereri, takanyengerwa, takatapwa nokuchiva kwose uye nezvinofadza. Taigara muruvengo negodo, tichivengwa nokuvengana. Asi pakaratidzwa ngoni norudo rwaMwari Muponesi wedu, akatiponesa, kwete nokuda kwezvinhu zvakarurama zvatakaita, asi nokuda kwetsitsi dzake. Akatiponesa kubudikidza nokuberekwa patsva nokuvandudzwa noMweya Mutsvene