Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 6:4-12

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 6:4-12 BDSC

Wakanaka iwe mudiwa wangu, seTiriza, unoyevedza seJerusarema, unoremekedzeka samauto ane mireza. Bvisa meso ako pandiri; anondikunda. Bvudzi rako rakaita sedanga rembudzi riri kuburuka muGireadhi. Meno ako akafanana neboka ramakwai achangobva mukushambidzwa. Rimwe nerimwe rine rarakafanana naro, pasina riri roga zvaro. Zvavovo zvako zviri mumumbure wako zvakaita sezvikamu zviviri zvedamba. Kungava navanamambokadzi makumi matanhatu, navarongo makumi masere nemhandara dzisingaverengeki; Asi njiva yangu, iye akakwana wangu, ndiwe mumwe oga, mwanasikana mumwe oga wamai vake, iye woga anodikanwa naiye akamubereka. Mhandara dzakamuona dzikamuti akaropafadzwa. Vanamambokadzi navarongo vakamurumbidza. Ko, ndiani uyo anoratidzika samambakwedza, akanaka somwedzi, anopenya sezuva, akanaka senyeredzi dziri mumudungwe? Ndakadzika kusango remiti yemipfura kundoona zvitsva zvakamera mumupata, kundoona kana mizambiringa yainge yabukira, kana kuti mitamba yainge yava namaruva. Ndisati ndambodii, mwoyo wangu wakandiisa pakati pengoro dzoumambo dzavanhu vangu.