Saka vakadzi vaviri ava vakaramba vachifamba kusvikira vasvika kuBheterehema. Vakati vasvika muBheterehema, guta rose rakazungunuswa nokuda kwavo, uye vakadzi vakakatyamara vachiti, “Angava Naomi here uyu?” Iye akati kwavari, “Musandidaidza kuti Naomi. Ndidaidzei kuti Mara, nokuti Wamasimba Ose akashungurudza upenyu hwangu kwazvo. Ndakaenda ndakazara, asi Jehovha akandidzosa ndisina chinhu. Seiko muchinditi Naomi? Jehovha akandirwadzisa; Wamasimba Ose akauyisa rushambwa pamusoro pangu.” Naizvozvo Naomi akadzokera achibva kuMoabhu, naRute muMoabhu, muroora wake, vakasvika muBheterehema nguva yokukohwa bhari ichangotanga.
Verenga chikamu Rute 1
Terera ku Rute 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Rute 1:19-22
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo