Sezvaanotaura mubhuku raHosea achiti: “Ndichavati ‘vanhu vangu’ vaya vakanga vasiri vanhu vangu; uye ndichamuti, ‘mudikanwi wangu’ iye akanga asiri mudikanwi wangu,” uye, Zvichaitika kuti paya painzi kwavari, “Hamusi vanhu vangu; vachanzi ‘vanakomana vaMwari mupenyu.’ ” Uye Isaya anodanidzira pamusoro peIsraeri, achiti: “Kunyange kuwanda kwavaIsraeri kwakaita sejecha regungwa, vakasara chete ndivo vachaponeswa. Nokuti Ishe achaisa mutongo wake panyika nokukurumidza uye achaupedzisa.” Zvakaita sezvakarehwa kare naIsaya achiti: “Dai asiri Jehovha Wamasimba Ose akatisiyira zvizvarwa, tingadai takaita seSodhomu tingadai takaita seGomora.”
Verenga chikamu VaRoma 9
Terera ku VaRoma 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaRoma 9:25-29
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo