nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari, uye vanoruramisirwa nenyasha dzake kubudikidza nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu. Mwari akamupa iye sechibayiro chokuyananisa kubudikidza nokutenda muropa rake. Akaita izvi kuti aratidze kururamisira kwake, nokuti mukuita mwoyo murefu kwake akaregerera hake zvivi zvakaitwa kare. Akazviita kuti aratidze kururamisira kwake panguva ino, kuitira kuti ave akarurama uye anoruramisira vaya vanotenda muna Jesu. Zvino kuzvikudza kuripiko? Kwabviswa. Nomurayiro upiko? Wokuchengetedza murayiro here? Kwete, asi nomurayiro wokutenda.
Verenga chikamu VaRoma 3
Terera ku VaRoma 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaRoma 3:23-27
Mazuva matanhatu
Sarudzo zhinji dzatinoita muhupenyu dzakakosha. Asi, pane sarudzo imwe chete yakakosha kudarika dzimwe dzose. Kana uri kutsvaga mufambiro uri nyore unokusvitsa pakunzwisisa kuzere kwesarudzo yakakoshesesa iyi - chipo chekuponeswa pamweya chatakapuhwa pasina muripo naMwari - chibva wangotangira ipo pano. Kubva mubhuku rinonzi “Out of this World: A Christian’s Guide to Growth and Purpose” rakanyora naDavid J. Swandt.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo