Nokuti ndinoti kwamuri Kristu akava muranda wavaJudha akamirira zvokwadi yaMwari, kuti asimbise zvakapikirwa madzibaba kuti veDzimwe Ndudzi vakudze Mwari nokuda kwengoni dzake, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati peveDzimwe Ndudzi; ndichaimbira zita renyu nziyo.” Uyezve zvinonzi, “Farai imi veDzimwe Ndudzi, pamwe chete navanhu vake.” Uyezve, “Rumbidzai Ishe, imi mose veDzimwe Ndudzi, uye muimbirei nziyo dzokurumbidza, imi marudzi ose.” Uyezve, Isaya anoti, “Mudzi waJese uchatunga, iye achamuka kuzotonga pamusoro pendudzi dzose; veDzimwe Ndudzi vachava netariro maari.”
Verenga chikamu VaRoma 15
Terera ku VaRoma 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaRoma 15:8-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo