Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaRoma 11:5-10

VaRoma 11:5-10 BDSC

Saizvozvowo, panguva ino varipo vakasara, vakasanangurwa nenyasha. Uye kana zvava zvenyasha, saka hazvichisiri zvamabasa; kana dai zvaiva zvakadaro, nyasha hadzaizova nyasha. Zvino tichatiiko? Zvakatsvakwa navaIsraeri nokushingaira havana kuzviwana, asi vasanangurwa ndivo vakazviwana. Vamwe vakaomeswa mwoyo, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Mwari akavapa mweya wehope, meso kuti vasaona, nzeve kuitira kuti vasanzwa, kusvikira nanhasi uno.” Uye Dhavhidhi anoti: “Tafura yavo ngaive musungo neriva, nechigumbuso uye nechinotsiva kwavari. Meso avo ngaasvibirwe kuti vasaona; uye mukotamise misana yavo nokusingaperi.”