Uye ndakaona mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane kiyi dzokugomba rakadzika zvisina mugumo uye akanga akabata ngetani huru muruoko rwake. Akabata shato, iyo nyoka yakare, anova ndiye dhiabhori, kana kuti Satani, uye akamusunga kwamakore chiuru. Akamukanda mugomba rakadzika zvisina mugumo, akarikiya, akaisa chisimbiso pamusoro pake, kuti amudzivise kuzonyengerazve ndudzi kusvikira makore chiuru apera. Shure kwaizvozvo, anofanira kusunungurwa kwechinguva chiduku.
Verenga chikamu Zvakazarurwa 20
Terera ku Zvakazarurwa 20
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvakazarurwa 20:1-3
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo