Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 19:11-16

Zvakazarurwa 19:11-16 BDSC

Ndakaona denga razaruka uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza jena, mutasvi waro anonzi Akatendeka uye Chokwadi. Nokururamisira anotonga uye anorwa hondo. Meso ake akaita somurazvo womoto, uye pamusoro wake pane korona zhinji. Ane zita rakanyorwa paari risingazivikanwi nomunhu asi naiye oga. Akapfeka nguo dzakanyikwa muropa, uye zita rake ndiye Shoko raMwari. Hondo dzokudenga dzakanga dzichimutevera, akatasva bhiza jena uye akapfeka mucheka wakanaka, wakachena uye usina tsvina. Mumuromo make munobuda munondo unopinza waanouraya nawo ndudzi. “Achavatonga netsvimbo yesimbi.” Anotsika chisviniro chewaini yokutsamwa kwehasha dzaMwari Wamasimba Ose. Panguo yake napachidya chake ane zita iri rakanyorwa: mambo wamadzimambo naishe wamadzishe