Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 12:9-10

Zvakazarurwa 12:9-10 BDSC

Shato huru yakakandwa pasi, iyo nyoka yekare inonzi dhiabhori, kana kuti Satani, anotsausa nyika yose. Akakandwa panyika pamwe chete navatumwa vake. Ipapo ndakanzwa inzwi guru kudenga richiti: “Zvino ruponeso nesimba noumambo hwaMwari wedu zvasvika, uye nesimba raKristu wake. Nokuti mupomeri wehama dzedu, iye anovapomera pamberi paMwari wedu masikati nousiku, akandwa panyika.