Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 95:8-11

Mapisarema 95:8-11 BDSC

musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita paMeribha, sezvamakaita pazuva riya paMasa mugwenga, pandakaedzwa namadzibaba enyu kunyange vakanga vaona zvandakanga ndaita. Ndakatsamwira rudzi urwu kwamakore makumi mana; ndakati, “Ava vanhu vane mwoyo yakatsauka, uye havana kuziva nzira dzangu.” Saka ndakapika pakutsamwa kwangu ndikati, “Havangazombopindi pazororo rangu.”