Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 91:9-14

Mapisarema 91:9-14 BDSC

Kana ukaita Wokumusoro-soro ugaro hwako, kunyange Jehovha, iye utiziro hwangu, ipapo hapana chakaipa chichakuwira, hakuna njodzi ichasvika patende rako. Nokuti acharayira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete panzira dzako dzose; vachakusimudza mumaoko avo, kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo. Uchatsika pamusoro peshumba napamusoro pechiva; uchatsika-tsika shumba huru nenyoka. “Nokuti anondida,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “neni ndichamununura; ndichamudzivirira, nokuti anoziva zita rangu.