Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 91:1-6

Mapisarema 91:1-6 BDSC

Uyo anogara panzvimbo yokuvanda yeWokumusoro-soro achazorora mumumvuri weWamasimba Ose. Ndichati pamusoro paJehovha, “Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Mwari wangu, wandinovimba naye.” Zvirokwazvo achakuponesa parugombe rwomuteyi napadenda rinouraya. Achakufukidza neminhenga yake, uye uchawana utiziro pasi pamapapiro ake; kutendeka kwake kuchava nhoo yako norusvingo rwako. Haungatyiswi nokuvhundutsa kwousiku, kana museve unopfurwa masikati, kana hosha inofamba murima, kana denda rinoparadza masikati.