Uyo anogara panzvimbo yokuvanda yeWokumusoro-soro achazorora mumumvuri weWamasimba Ose. Ndichati pamusoro paJehovha, “Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Mwari wangu, wandinovimba naye.” Zvirokwazvo achakuponesa parugombe rwomuteyi napadenda rinouraya. Achakufukidza neminhenga yake, uye uchawana utiziro pasi pamapapiro ake; kutendeka kwake kuchava nhoo yako norusvingo rwako. Haungatyiswi nokuvhundutsa kwousiku, kana museve unopfurwa masikati, kana hosha inofamba murima, kana denda rinoparadza masikati.
Verenga chikamu Mapisarema 91
Terera ku Mapisarema 91
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 91:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo