Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 89:1-37

Mapisarema 89:1-37 BDSC

Ndichaimba nezvorudo rukuru rwaJehovha nokusingaperi; ndichazivisa kutendeka kwenyu nomuromo wangu kuzvizvarwa zvose. Ndichaparidza kuti rudo rwenyu runomira rwakasimba nokusingaperi, uye kuti muchasimbisa kutendeka kwenyu kudenga chaiko. Imi makati, “Ndakaita sungano nomusanangurwa wangu, ndakapika kuna Dhavhidhi muranda wangu, ndichiti, ‘Ndichasimbisa imba yako nokusingaperi, uye ndichasimbisa chigaro chako choushe kuzvizvarwa zvose.’ ” Sera Matenga anorumbidza zvishamiso zvenyu, imi Jehovha, kutendeka kwenyuwo muungano yavatsvene. Nokuti ndianiko kudenga kumusoro angaenzaniswa naJehovha? Ndianiko akaita saJehovha pakati pezvisikwa zvokudenga? Mwari anotyiwa zvikuru paungano yavatsvene; iye anotyisa kwazvo kupfuura vose vakamupoteredza. Haiwa Jehovha Mwari Wamasimba Ose, ndianiko akaita semi? Mune simba, imi Jehovha, uye kutendeka kwenyu kunokupoteredzai. Munotonga pamusoro pokusunda kwegungwa; mafungu aro paanosimuka, munoanyaradza. Makapwanya Rahabhi somumwe wavakaurayiwa; makaparadzira vavengi venyu noruoko rwenyu rune simba. Matenga ndeenyu, nenyika ndeyenyuwo; makavamba nyika nezvose zviri mairi. Ndimi makasika kumusoro nezasi; Tabhori neHerimoni zvinoimbira zita renyu nomufaro. Ruoko rwenyu rune simba; chanza chenyu chakasimba, ruoko rwenyu rworudyi rwakasimudzwa. Kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chenyu choushe; rudo nokutendeka zvinokutungamirirai. Vakaropafadzwa avo vakadzidza kukurumbidzai, vanofamba muchiedza pamberi penyu, imi Jehovha. Vanofara muzita renyu zuva rose; vanofara mukururama kwenyu. Nokuti imi ndimi kubwinya nesimba ravo, uye nenyasha dzenyu munosimudzira runyanga rwedu. Zvirokwazvo, nhoo yedu ndeyaJehovha, mambo wedu, iye Mutsvene oga waIsraeri. Ipapo makataura muchiratidzo, mukati, kuvanhu venyu vakatendeka: “Ndakaisa simba pamusoro pemhare; ndakasimudzira jaya pakati pavanhu. Ndakawana Dhavhidhi muranda wangu; ndakamuzodza namafuta matsvene. Ruoko rwangu ruchamutsigira; zvirokwazvo chanza changu chichamusimbisa. Hakuna muvengi achamuripisa mutero; hakuna munhu akaipa achamudzvinyirira. Ndichapwanya vavengi vake pamberi pake, uye ndicharovera pasi vadzivisi vake. Rudo rwangu rwakatendeka ruchava naye, uye runyanga rwake ruchasimudzirwa muzita rangu. Ndichaisa ruoko rwake pamusoro pegungwa, ruoko rwake rworudyi pamusoro penzizi. Iye achadana kwandiri, achiti, ‘Ndimi Baba vangu, Mwari wangu, Dombo noMuponesi wangu.’ Ndichamugadzawo kuti ave dangwe rangu, iye anokudzwa zvikuru pamadzimambo enyika. Ndichachengetedza rudo rwangu kwaari nokusingaperi, uye sungano yangu naye haitongoperi. Ndichasimbisa imba yake nokusingaperi, uye nechigaro chake choushe chero matenga achingovapo. “Kana vana vake vakasiya murayiro wangu, uye vakasatevera zvandakatema, kana vakazvidza mitemo yangu, uye vakakoniwa kuchengeta mirayiro yangu, ndicharanga chivi chavo neshamhu, uye kuipa kwavo nokurova kukuru; asi handizobvisi rudo rwangu kwavari, kana kuzombopandukira kutendeka kwangu. Handizozvidzi sungano yangu kana kushandura zvakarehwa nemiromo yangu. Kamwe chete, ndakapika noutsvene hwangu, uye handingarevi nhema kuna Dhavhidhi, kuti imba yake icharamba iripo nokusingaperi uye chigaro chake choushe chichagara pamberi pangu sezuva; chichasimbiswa nokusingaperi somwedzi, chapupu chakatendeka chiri kudenga.” Sera