Haiwa Jehovha, Mwari anondiponesa, ndakachema masikati nousiku pamberi penyu. Munyengetero wangu ngausvike pamberi penyu; rerekerai nzeve yenyu kukuchema kwangu. Nokuti mweya wangu uzere nokutambudzika, uye upenyu hwangu hwaswedera pedyo neguva. Ndinoverengwa pakati paavo vakaburukira kugomba; ndava somunhu asina simba. Ndakatsaurwa pamwe chete navakafa, savakaurayiwa vavete muguva, vamusingacharangaririzve, vakagurwa kubva pakuchengeta kwenyu. Makandiisa mugomba rakadzika dzika, murima guru makadzika dzika. Hasha dzenyu dzinorema kwazvo pamusoro pangu, makandifukidza namafungu enyu ose. Sera Makanditorera shamwari dzangu dzapedyo, uye mukandiita chinhu chinonyangadza. Ndakapfigirwa uye handingatongopunyuki; meso angu asviba neshungu. Ndinodana kwamuri, imi Jehovha, mazuva ose; ndinotambanudzira maoko angu kwamuri. Ko, munoratidza zvishamiso zvenyu kuna vakafa here? Ko, vakafa vanomuka vachikurumbidzai here? Sera Ko, rudo rwenyu runoparidzwa muguva, nokutendeka kwenyu mukuparadzwa here? Ko, zvishamiso zvenyu zvinozivikanwa munzvimbo yerima, kana mabasa akarurama enyu munyika yokukanganwa here? Asi ndinochemera rubatsiro kwamuri, imi Jehovha; mangwanani, munyengetero wangu unosvika pamberi penyu. Seiko, imi Jehovha, muchindiramba uye muchindivanzira chiso chenyu? Kubvira pauduku hwangu, ndakatambudzika zvokutosvika pedyo norufu; ndatambudzika nokutyisa kwenyu uye handisisina tariro. Hasha dzenyu dzakapfuura napamusoro pangu; kutyisa kwenyu kwandiparadza. Zuva rose zvakandipoteredza samafashamu; ndakaputirwa nazvo chose. Makanditorera shamwari dzangu navadikani vangu; rima ndiyo shamwari yangu iri pedyo.
Verenga chikamu Mapisarema 88
Terera ku Mapisarema 88
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 88:1-18
7 Days
Depression can affect anyone of any age for any number of reasons. This seven-day plan will guide you to the Counselor. Quiet your mind and heart as you read the Bible and you will discover peace, strength, and everlasting love. For more content, check out finds.life.church.
21 Days
Learn how best to pray, both from the prayers of the faithful and from the words of Jesus Himself. Find encouragement to keep taking your requests to God every day, with persistence and patience. Explore examples of empty, self righteous prayers, balanced against the pure prayers of those with clean hearts. Pray constantly.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo