Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 86:5-17

Mapisarema 86:5-17 BDSC

Imi munokanganwira uye makanaka, imi Ishe, muzere norudo kuna vose vanodana kwamuri. Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha; inzwai kuchemera kwangu ngoni dzenyu. Ndichadana kwamuri pazuva rokutambudzika kwangu, nokuti muchandipindura. Haiwa Ishe, hakuna akafanana nemi pakati pavamwari; hakuna mabasa akaita seenyu. Ndudzi dzose dzamakaita dzichauya kuzonamata pamberi penyu, imi Ishe; dzicharumbidza zita renyu. Nokuti imi muri mukuru uye munoita zvinhu zvinoshamisa; imi moga ndimi Mwari. Haiwa Jehovha, ndidzidzisei nzira yenyu, uye ndichafamba muzvokwadi yenyu; ndipei mwoyo mumwe, kuti ndigotya zita renyu. Ndichakurumbidzai, imi Ishe Mwari wangu, nomwoyo wangu wose; ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi. Nokuti rudo rwenyu rukuru kwandiri; makandirwira paguva rakadzika. Haiwa Mwari, vanozvikudza vari kundirwisa; boka ravanhu vane utsinye rinotsvaka upenyu hwangu, vanhu vasina hanya nemi. Asi, imi Ishe, mune tsitsi uye muri Mwari ane nyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo nokutendeka. Dzokerai kwandiri mundinzwire ngoni; ipai simba renyu kumuranda wenyu, uye muponese mwanakomana womurandakadzi wenyu. Ndipei chiratidzo chokunaka kwenyu, kuti vavengi vangu vazvione vagonyadziswa, nokuti imi Jehovha makandibatsira uye mukandinyaradza.