Ndinzwirei ngoni, imi Ishe, nokuti ndinodana kwamuri zuva rose. Vigirai muranda wenyu mufaro, nokuti kwamuri, imi Ishe, ndinosimudzira mweya wangu. Imi munokanganwira uye makanaka, imi Ishe, muzere norudo kuna vose vanodana kwamuri. Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha; inzwai kuchemera kwangu ngoni dzenyu. Ndichadana kwamuri pazuva rokutambudzika kwangu, nokuti muchandipindura.
Verenga chikamu Mapisarema 86
Terera ku Mapisarema 86
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 86:3-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo