Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 86:3-7

Mapisarema 86:3-7 BDSC

Ndinzwirei ngoni, imi Ishe, nokuti ndinodana kwamuri zuva rose. Vigirai muranda wenyu mufaro, nokuti kwamuri, imi Ishe, ndinosimudzira mweya wangu. Imi munokanganwira uye makanaka, imi Ishe, muzere norudo kuna vose vanodana kwamuri. Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha; inzwai kuchemera kwangu ngoni dzenyu. Ndichadana kwamuri pazuva rokutambudzika kwangu, nokuti muchandipindura.