Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 84:1-4

Mapisarema 84:1-4 BDSC

Ugaro hwenyu hwakanaka sei, imi Jehovha Wamasimba Ose! Mweya wangu unopanga, uye unotoziya, nokuda kwezvivanze zvaJehovha; mwoyo wangu nenyama yangu zvinodana kuna Mwari mupenyu. Kunyange shiri diki yakazviwanira imba, nenyenganyenga yakazviwanirawo dendere kwaingachochonyera vana vayo, iyo nzvimbo iri pedyo nearitari yenyu, imi Jehovha Wamasimba Ose, Mambo wangu naMwari wangu. Vakaropafadzwa avo vanogara mumba menyu; vanogara vachikurumbidzai. Sera