Ugaro hwenyu hwakanaka sei, imi Jehovha Wamasimba Ose! Mweya wangu unopanga, uye unotoziya, nokuda kwezvivanze zvaJehovha; mwoyo wangu nenyama yangu zvinodana kuna Mwari mupenyu. Kunyange shiri diki yakazviwanira imba, nenyenganyenga yakazviwanirawo dendere kwaingachochonyera vana vayo, iyo nzvimbo iri pedyo nearitari yenyu, imi Jehovha Wamasimba Ose, Mambo wangu naMwari wangu. Vakaropafadzwa avo vanogara mumba menyu; vanogara vachikurumbidzai. Sera
Verenga chikamu Mapisarema 84
Terera ku Mapisarema 84
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 84:1-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo