Haiwa vanhu vangu, inzwai kudzidzisa kwangu;
teererai mashoko omuromo wangu.
Ndichashamisa muromo wangu nditaure nomufananidzo,
ndichataura zvinhu zvakavanzika, zvinhu zvakare kare,
zvatakanzwa nezvatakaziva,
zvatakaudzwa namadzibaba edu.
Hatingazozvivanziri vana vavo;
tichaudza rudzi runotevera
mabasa angarumbidzwa aJehovha,
simba rake, nezvishamiso zvaakaita.
Akatema zvirevo zvaJakobho
akasimbisa murayiro muIsraeri,
waakarayira madzitateguru edu
kuti vadzidzise vana vavo,
kuti rudzi runotevera ruzvizive,
kunyange vana vachazoberekwa,
naivo vagozoudzawo vana vavo.
Ipapo vachavimba naMwari wavo
uye havangazokanganwi mabasa ake
asi vachazochengeta mirayiro yake.
Havazofanani namadzitateguru avo,
rudzi rwakanga rwakasindimara uye rwaimumukira,
mwoyo yavo yakanga isingateereri Mwari,
mweya yavo yakanga isina kutendeka kwaari.
Vanhu vokwaEfuremu, kunyange vakanga vakapakata uta,
vakadzokera shure pazuva rokurwa;
havana kuchengeta sungano yaMwari,
uye vakaramba kufamba maererano nomurayiro wake.
Vakakanganwa zvaakaita,
zvishamiso zvaakavaratidza.
Akaita zviratidzo pamberi pamadzibaba avo
munyika yeIjipiti, mudunhu reZoani.
Akapamura gungwa akavayambutsa napakati;
akaita kuti mvura imire yakasimba sorusvingo.
Akavatungamirira negore masikati,
uye nechiedza chomoto usiku hwose.
Akapamura ruware mugwenga
akavapa mvura yakawanda seyamakungwa;
akabudisa hova dzemvura paruware
akaita kuti iyerere seyenzizi.
Asi vakaramba vachingomutadzira,
vachimukira Wokumusoro-soro mugwenga.
Vakaedza Mwari nobwoni
vachimugombedzera kuti avape zvokudya zvavaipanga.
Vakapopotera Mwari, vachiti,
“Ko, Mwari angawadzira tafura mugwenga here?
Paakarova dombo, mvura yakatubuka,
uye hova dzakayerera mvura zhinji.
Asi angagona kutipawo zvokudya here?
Angavigira vanhu vake nyama here?”