Ndakarangarira mazuva ekare, makore ekare kare; ndakarangarira nziyo dzangu panguva yousiku. Mwoyo wangu wakafungisisa uye mweya wangu wakabvunza ukati, “Ko, Ishe acharamba nokusingaperi here? Haachazombonzwiri ngonizve here? Ko, rudo rwake rusingaperi rwakabva nokusingaperi here? Chipikirwa chake chakakona nokusingaperi here? Sera Ko, Mwari akanganwa kuva nenyasha here? Mukutsamwa kwake haachaitira tsiye dzake nyoro here?” Ipapo ndakafunga ndikati, “Ndichakumbira hangu pane izvozvi: makore oruoko rworudyi reWokumusoro-soro.” Ndicharangarira mabasa aJehovha; hongu, ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare kare. Ndichafungisisa pamusoro pamabasa enyu ose, uye ndicharangarira mabasa enyu makuru. Haiwa Mwari, nzira dzenyu itsvene. Ndoupiko mwari mukuru saMwari wedu? Muri Mwari anoita zvishamiso; munoratidza simba renyu pakati pavanhu. Noruoko rwenyu rune simba, makadzikinura vanhu venyu, izvo zvizvarwa zvaJakobho naJosefa. Sera
Verenga chikamu Mapisarema 77
Terera ku Mapisarema 77
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 77:5-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo