Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 73:23-26

Mapisarema 73:23-26 BDSC

Kunyange zvakadaro ndinogara nemi nguva dzose; munondibata noruoko rwenyu rworudyi. Munondisesedza nezano renyu, uye pashure muchazonditora mondipinza mukubwinya kwenyu. Ndianiko wandinaye kudenga kana musirimi? Uye nyika haina chandinoshuva kunze kwenyu. Nyama yangu nomwoyo wangu zvingapera hazvo, asi Mwari isimba romwoyo wangu nomugove wangu nokusingaperi.