Zvirokwazvo Mwari akanaka kuna Israeri, kuna avo vakachena pamwoyo. Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakapotsa dzatsvedza; ndakasara paduku kupunzika. Nokuti ndakaitira shanje vanozvikudza, pandakaona kubudirira kwavakaipa. Havatambudziki; miviri yavo ino utano uye vakasimba. Vakasununguka pamitoro inowanikwa muvanhu; havatambudzwi nezvinotambudza vanhu.
Verenga chikamu Mapisarema 73
Terera ku Mapisarema 73
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 73:1-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo