Danidzirai nomufaro kuna Mwari, imi nyika yose! Imbirai mukurumbira wezita rake; murumbidze zvikuru kukudzwa kwake! Muti kuna Mwari, “Mabasa enyu anotyisa sei! Simba renyu iguru zvokuti vavengi venyu vanodedera pamberi penyu. Nyika yose inokukotamirai; vanokuimbirai nziyo dzokurumbidza, vanoimba nziyo dzokurumbidza zita renyu.” Sera Uyai muone zvaitwa naMwari, mabasa ake anotyisa sei pakati pavanhu! Akashandura gungwa rikava nyika yakaoma, vakafamba nomumvura zhinji netsoka dzavo, uyai, ngatifarei maari. Anotonga nokusingaperi nesimba rake, meso ake anocherechedza ndudzi, vanomumukira ngavarege kumisidzana naye. Sera Rumbidzai Mwari wedu, imi vanhu, inzwi rokurumbidzwa kwake ngarinzwike; iye akachengetedza upenyu hwedu netsoka dzedu kuti dzirege kutedzemuka. Nokuti imi, iyemi Mwari, makatiedza; mukatinatsa sesirivha. Makatipinza mutorongo mukatitakudza mitoro pamisana yedu. Makabvumira vanhu kukwira pamisoro yedu; takapinda mumoto nomumvura, asi makatiisa kunzvimbo ine zvakawanda. Ndichauya nezvibayiro zvinopiswa kutemberi yenyu, ndigozadzisa mhiko dzangu kwamuri, mhiko dzandakavimbisa nemiromo yangu, uye muromo wangu wakataura pandakanga ndiri munhamo. Ndichakubayirai mhuka dzakakora nechipiriso chamakondobwe; ndichabayirawo hando nembudzi. Sera Uyai munzwe, imi mose munotya Mwari; ndikuudzei zvaakandiitira. Ndakachema kwaari nomuromo wangu; rumbidzo yake yaiva parurimi rwangu. Dai ndakanga ndaviga chivi mumwoyo mangu, Ishe aidai asina kundinzwa; asi zvirokwazvo Mwari akateerera akanzwa inzwi rangu mumunyengetero. Mwari ngaarumbidzwe, iye asina kuramba munyengetero wangu. Kana kudzivisa rudo rwake kwandiri!
Verenga chikamu Mapisarema 66
Terera ku Mapisarema 66
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 66:1-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo