Mapisarema 61:1-4
Mapisarema 61:1-4 BDSC
Inzwai kuchema kwangu, imi Mwari; rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu. Kubva kumigumo yenyika, ndinodanidzira kwamuri, ndinodana sezvo mwoyo wangu woziya; nditungamirirei kudombo rakakwirira kundipfuura. Nokuti imi makanga muri utiziro hwangu, shongwe yakasimba pamusoro pavavengi vangu. Ndinopanga kugara mutende renyu nokusingaperi, uye nokuvanda mumumvuri wamapapiro enyu. Sera

