Asi ini, nenyasha dzenyu huru, ndichapinda mumba menyu; norukudzo, ndichakotamira pasi pamberi penyu, ndakatarira kutemberi yenyu tsvene. Nditungamirirei, imi Jehovha, mukururama kwenyu nokuda kwavavengi vangu, ruramisai nzira yenyu pamberi pangu. Hakuna shoko rinobva mumuromo mavo ringavimbwa naro; mwoyo yavo izere nokuparadza. Huro dzavo iguva rakashama; vanotaura zvinonyengera norurimi rwavo. Haiwa Mwari, vapei mhosva! Ngavawisirwe pasi nerangano dzavo. Vabvisei nokuda kwezvivi zvavo zvizhinji, nokuti vakakumukirai. Asi vose vanovanda mamuri ngavafare; ngavagare vachiimba nomufaro. Tambanudzirai pamusoro pavo kudzivirira kwenyu, kuitira kuti vaya vanoda zita renyu vafare mamuri. Nokuti zvirokwazvo, imi Jehovha, munoropafadza vakarurama; munovakomberedza nenyasha dzenyu sokunge nenhoo.
Verenga chikamu Mapisarema 5
Terera ku Mapisarema 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 5:7-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo