Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 37:3-11

Mapisarema 37:3-11 BDSC

Vimba naJehovha uite zvakanaka; gara panyika ufarikane pamafuro manyoro. Farikana muna Jehovha, uye iye achakupa zvinodikanwa nomwoyo wako. Isa nzira yako kuna Jehovha; uvimbe naye uye iye achaita izvi; achaita kuti kururama kwako kupenye samambakwedza, nokururamisirwa kwako sezuva ramasikati. Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; usava neshungu kana vanhu vachibudirira panzira dzavo, pavanoita mano avo akaipa avakaronga. Rega kutsamwa, uzvidzore pahasha; usava neshungu zvinokutungamirira mune zvakaipa. Nokuti vasakarurama vachagurwa, asi avo vanomirira Jehovha vachagara nhaka yenyika. Chinguva chiduku duku, vakaipa havachazovapozve; kunyange ukavatsvaka, havazowanikwi. Asi vanyoro vachagara nhaka yenyika, uye vachafarikana norugare rukuru.