Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose; kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu. Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; vanotambudzika ngavanzwe vafare. Kudzai Jehovha pamwe chete neni; ngatikudzei zita rake pamwe chete. Ndakachema kuna Jehovha akandipindura; akandisunungura pakutya kwangu kwose. Vanotarira kwaari vanopenya; zviso zvavo hazvingambofukidzwi nenyadzi. Murombo uyu akadana, uye Jehovha akamunzwa; akamuponesa pakutambudzika kwake kwose. Mutumwa waJehovha anokomberedza avo vanomutya, uye anovasunungura. Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka; akaropafadzwa munhu anovanda maari. Ityai Jehovha, imi vatsvene vake, nokuti vanomutya havana chavanoshayiwa.
Verenga chikamu Mapisarema 34
Terera ku Mapisarema 34
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 34:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo