Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 34:1-6

Mapisarema 34:1-6 BDSC

Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose; kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu. Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; vanotambudzika ngavanzwe vafare. Kudzai Jehovha pamwe chete neni; ngatikudzei zita rake pamwe chete. Ndakachema kuna Jehovha akandipindura; akandisunungura pakutya kwangu kwose. Vanotarira kwaari vanopenya; zviso zvavo hazvingambofukidzwi nenyadzi. Murombo uyu akadana, uye Jehovha akamunzwa; akamuponesa pakutambudzika kwake kwose.